Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China, Chikunguru 14, 2022


Shona Headlines

Mumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala nemumiriri weChitungwiza North VaGodfrey Sithole vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change vomiswa pamberi pedare pamhosva dzavari kupomerwa dzekuda kupesvedzera mhirizhonga. Vari kuramba mhosva idzi.

Mutungamiri wesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbawe VaObert Masaraure vomiswawo pamberi pedare nhasi pamhosva yavari kupomerwa yekuzvidza dare nekupesvedzera mhirizhonga.

Vatsigiri vebato reCitizens Coalition for Change kuBikita vanoti vave kutyira hupenyu hwavo mushure mekunge mumiriri wenzvimbo iyi mudare reparamende vari nhengo yeZanu-PF VaJosiah Sithole vapomerewa mhosva yekuvatyisidzira nemhirizhonga vakapfeka hembe dzebato ravo dzeyellow.

Vakawanda vapinda mumusangano wekuzeya nyaya dzekumbunyikidzwa kwevanasikana wakokerwa nesangano rakazvimirira rega reStand Foundation vanoti kana pasina mutemo wakanangana nedambudziko iri, hapana zvakawanda zvingaitwa kuri pedza.

Musangano wechimakumi mashanu nerimwe we SADC Parliamentary Forum, uyo uchiri kuenderera mberi muLilongwe, Malawi, watambira nhasi bumbiro reSADC Model Law on Public Finance Management uyo uchabatsira dzihurumende nematare eparamende mudunhu iri kusimbaradza mitemo inobata makanzuru.

Vezvematongerwo votarisisa zvakadzama mhirizhonga inonzi iri kuitika munyika pamberi pesarudzo dzegore rinouya pamwe nemashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa ekuti mauto akagadzirira kupodza mhirizhonga, ayo anonzi nevamwe anoburitsa pachena hurongwa hweZanu PF hwekunyaradza vanopikisa.

Muchiriongwa cheWomen’s Round Table na8 pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekumbunyikidzwa kwekodzero dzemadzimai nevanasikana takatarisa zviri kuitika muzvikoro zvepamusoro soro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG