Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Oga Oronga Kuratidzira


VaPresident Peter Mutasa sachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition

Masangano anorwira kodzero dzevanhu munyika anoti ari kushushikana zvikuru nekuwedzera kuipa kuri kuita zvinhu munyika vachiti vachazenge vachiratidzira pamwe nekutora mamwe matanho anotenderwa nebumbiro remitemo yenyika.

Vachitaura pamusangano wavakokera nhasi muHarare, sachigaro wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition VaPeter Mutasa vati zvinhu zvaipisisa munyika munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nezvehupfumi nekudaro vanhu vanofanirwa kushandisa nzira dziri pamutemo kuratidzira kunyunyuta kwavo.

VaMutasa vakurudzira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvibatane mukugadzirisa nyika. Vatiwo masangano akazvimirira ari kuchema chema nehurumede iri kuramba ichityora kodzero dzeveruzhinji. Vakurudzirawo hurumende kuti igadzirise matambudziko ari munyika.

Mukuru weZimbabwe Divine Destiny, Bishop Ancellimo Magaya vataurawo pamusangano uyu vatiwo semakereke vari kukutsigira nyaya yekuti vanhu varatidzire zvinyunyuto zvavo vachiti izvi zvinogadzirisa nyika. VaMagaya vapomera hurumende mhosva yekusashandisa mutemo zvejekerere.

VaFortune Kuhudzehwe vanoshanda neZimbabwe Human Rights NGO Forum vatiwo nyaya dzekushungurudzwa kwevanorwira kodzero dzevanhu munyika dzatekeshera.

VaKuhudzehwe vatiwo vanoda kuti hurumende irase bhiri rePrivate Voluntary Organisation iro vanoti rakanangana nekumbunyikidza vemasangano akazvimirira oga.

Asi vachitaura neStudio 7 mazuva adarika, gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakaramba kuti hurumende iri kushandisa kumbunyikidza vanopikisa vachiti Zimbabwe inyika inotevedzera mutemo nekusunga vanenge vautyora.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakanyorawo mubepanhau reSunday Mail kuti hapana kudududza panyaya yekuvanduza mutemo une chekuita nemasangano akazvimirira vachiapomera mhosva yekuda kukonzera kusagadzikana munyika.

Asi vemasangano akazvimirira oga vanoti sezvo nyika yatarisana nesarudzo, hurumende yave kuda kuvambunyikidza senzira yekuti vasadzidzise vanhu nezvekodzero dzavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG