Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vodzora "maGreen Bomber" Vanoti Mauto neMapurisa Akagadzirira Kuranga Vavanoti Vanoda Kukonzera Kusagadzikana muNyika


Vachivhura musangano wePolitiburo, VaMnangagwa vati bato ravo rinoda runyararo uye vana neZimbabwe vanofanira kubatana vorambwa kushandiswa nemapato anopikisa kuita zvemhirizhonga.

Vati vanozviziva kuti mapato anopikiswa achitsigirwa nedzimwe nyika dzekunze ari kuronga mhirizhonga uye vakati mauto akagadzirira kuona kuti izvi hazviitike.

Dare remakurukota rakazivisawo neChipiri kuti hurongwa hwekudzidzisa vechidiki mumakamba kana kuti National Youth Servce hwave kudzoka.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanoti izvi zviri kuitwa kuda kukonzera mhirizhonga munyika pamberi pesarudzo dzegore rinouya sezvo vechidiki ava vachipomerwa mhosva dzinosanganisira kuponda vanopikisa. Asi hurumende inoti chirongwa ichi chinopa kuti vanhu vade nyika yavo.

Mashoko aVaMnangagwa anoouya apo nhengo gumi nenhatu dzebato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change dzinosanganisira nhengo dzeparamende, VaJob Sikhala, vanomirira Zengeza West naVaGodfrey Sithole vari kumiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga zvichitevera kupambwa nekupondwa kwenhengo yebato iri, Muzvare Moreblessing Ali, kuNyatsime muna Kubvumbi.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaGift Ostallos Siziba vati havatenderena nemashoko aVaMnangagwa aya.

Izvi zvatsigirirwawo nemutauriri rimwe bato rinopikisa, VaWitness Dube vati VaMnangagwa havasi kutaura chokwadi kana vachiti mapato anopikisa ndiwo anokonzera mhirizhonga munyika.

Vakafanobata chigaro chemurongi wemusangano muCCC VaAmos Chabaya vati veruzhinji munyika vanofanira kuratidzira murunyararo kuramba mhirizhonga iri kunonzerwa nebato reZanu PF.

VaMnangagwa vatiwo nzara iri muAfrica inokonzerwa nenyaya yehondo yeUkraine neRussia asi vakati hurumende yavo iri kutora matanho ekuti nyika ikwanise kuwana chikafu chakakwana.

Vati semuenzaniso mwaka unotevera nyika ichawana gorosi rakawanda kudarika rainoshandisa pagore.

Asi vanoongorora zvehupfumi, VaMasimba Kuchera vati hondo iyi yakatouya zvinhu zvavekuipa munyika uye hurumende ine zvimwe zvainokwanisa kuita kwete kungonongedzera kunyaya yekurwiswa kweUkraine neRussia.

Vanoongorora zvematongerwo enyika zvakare vachishanda kuAfrica University, Dr Wellington Gadzikwa, vaudza Studio 7 kuti kusamira zvakanaka munyaya dzehupfumi ndiko kunoita kuti vanhu vatsamwe zvakanyanya uye kunogona kukonzera mhirizhonga.

Zvichakadai VaMnangagwa vakurudzira nhengo dzebato ravo kuti dzinyorese kuvhota pamwe nekutsvaga rutsiro kuti bato ravo rikunde zvine mutsindo musarudzo dzegore rinouya.

Vatiwo vanofanirawo kuona kuti pavanhu vakanyoresa kuvhota nhengo dzebato ravo ingani vachiti izvi zvinovabatsira kugadzirira sarudzo dza2023.

Vakurudzira vanhu kuti vaende kunona kuti mazita avo ari mugwaro revavhoti here pachirongwa chekuganhura matunhu ekuvhotera chedelimitation icho chiri kuitwa neZimbabwe Electoral Commission kutanga musi wa17 mwedzi uno.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG