Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chiri muAmerica, VaJonah Masiya, voMutsiridza Makwikwi Avo eNhabvu muZvikoro zvekwaGutu kuMasvingo


Makwikwi enhabvu eMasiya Tournament ari kutungamirwa naVaJonah Masiya vari kuAmerica.
Makwikwi enhabvu eMasiya Tournament ari kutungamirwa naVaJonah Masiya vari kuAmerica.

Nekuda kwekudzikira kwaita hukasha kwedenda reCovid-19 uye kubaiwa kuri kuitwa vanhu nhomba yekudzivirira denda iri, chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, VaJonah Masiya, vari kudzosa zvakare neChishanu chino makwikwi avo enhabvu yemuzvikoro zvesekendari kumusha kwavo kwaMagombedze kwaGutu mudunhu reMasvingo.

VaMasiya vakaparura makwikwi aya, eMasiya Tournament, muna 2016 asi akazombosendekwa kubva muna 2020 nekuda kwedenda reCovid-19.

Gore rino zvikoro zvishanu zvinoti Magombedze Secondary School, Gomba Secondary School, Chitsa Secondary School, Ruti Secondary School, neGudza Secondary School ndizvo zviri kupinda munhandare zvichirwira mukombe uyu.

Chikoro chichasimudza mukombe chichawana mubairo weunifomu yenhabvu nemukombe, kuchitiwo zvimwe zvikoro zvichiwanawo mibairo yemari yakasiyanasiyana.

Pane mibairowo zvakare yevacharefura mitambo, achanwisa zvibodzwa zvakawanda pamwe nemurairidzi achakunda vamwe.

VaMasiya, avo vanove murairidzi uye vachidzidzisawo nhabvu yevana vadiki kwavanogara kuWest Virginia, vanotiwo vane tarisiro yekuti vachawedzera huwandu hwezvikoro zvavachashanda nazvo mumakore anotevera.

Vanoti makwikwi egore rino pamwe neemakore adarika vaimira voga asi kubva gore rinouya vane tarisiro yekubata pamwe nemadzisahwira avo anobva kuZimbabwe ari muAmerica ari musangano reCoalition of Zimbabweans in The Diaspora, COZDA, ayo ane chido chekuvatsigira.

VaMasiya vanoti vanotenda zvikuru hutungamiri hwemunharaunda mavo hunosanganisira masabhuku, makanzura, madzishe mumiriri wedunhu ravo muparamende, pamwe nevakuru vezvikoro nevekumahofisi edzidzo, avo vakavatendera kuti vaenderere mberi nemuono wavo wekusimudzira nharaunda yavo yekwaMagombedze kuburikidza nemitambo.

DIASPORA PROFILE-MASIYA-SHO-JONGA 13 JULY 2022 (WEB VERSION).mp3
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG