Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vobuda Musangano reNhaurirano neHurumende Vachiti Inoita Zano Ndega


Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube
Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube

Masangano anomiririra vashandi vehurumende voti vavekubuda muNational Joint Negotiating Council (NJNC) uko vaisangana nehurumende kukurukura zvinonetsa vashandi.

Vachitaura nevatori venhau nhasi mushure memusangano wavaita sevamiririri vevashandi, mutevedzeri wemunyori weApex Council, VaGibson Mushangu vati vashandi vatora danho iri mushure mekuona kuti hurumende yaingouya nepfungwa dzayo pasina kutaurirana.

Nezuro hurumende yakaita musangano nevashandi nenyaya yemari dzavanotambiriswa asi hapana chakabuda sezvo ashandi vari kupomerwa hurumende mhosva yekuvawedzera mari yainoda pasina nhaurirano. Hurumende yakati kutanga musi wa 1 Chikunguru yakawedzera mari dzinotambiriswa vashandi zvakapetwa kaviri asi nemadhora emunyika.

Vashandi vari kuti mari iyi haitengichinhu uye vanoda kuti mushandi wepasi apihwe madhora mazana masere nemakumu mana emadhora ekuAmerica kana kuti US$850.

VaMushangu vatiwo musangano wanhasi wabvumirana kuti hurumende inofanirwa kubudisa mutirongo vamiririri vevadzidzisi vekumaruwa, vesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ) VaObert Masaraure naVaRobson Chere vari kupomerwa mhosva yekuponda nhengo yesangano ravo VaRoy Issa muna 2016.

Dare rakamboti vakadonha kubva mukamuri yechinomwe yeJameson Hotel muHarare. VaChere naVaMasaraure vari kuramba mhosva yavari kupomera iyi.

Vashandi vehurumende vanotiwo vachaenderera mberi nekuramwa mabasa sezvavakazivisa mugwaro ravakaendesa kuhurumende musi wa4 mwedzi uno v kuti mushure memazuva gumi nemana vachazenge vachiramwa mabasa sezvo hurumende iri kukundikana kugadzirisa nyaya yemihoro yavo.

Vashandi vehurumende vatiwo kana hurumende yave kunyatsoda kuita hurukuro nayo vachaunganidza masangano ese anomirira vashandi.

Vachitaurawo pamusangano uyu, VaRaymond Majongwe vanova munyori muProgressive Teachers Union of Zimbabwe vati vanokatyamadzwa nezvakaunzwa nehurumende kunhaurirano dzavakaita nezuro.

Vachibvunzwa neStudio 7 nezvedanho ratorwa nevashandi vehurumende rekubuda muNJNC, munyori mubazi rinoona nezvevashandi VaSimon Masanga vati hapana chavange vaziviswa nezvenyaya iyi vachitiwo zvinhu zvavasingatarisiri. VaMasanga vaudza Studio 7 kuti vachambobvunzurudza nezvenyaya iyi vasati vatipa mhinduro yakazara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG