Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kunotarisa Mazita Avo kuZEC Miganhu yeMatunhu paSarudzo Isati Yatarwa


Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission Amai Priscialla Chigumba
Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission Amai Priscialla Chigumba

Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbawe Electoral Commission iri kukurudzira vanhu vakanyoresa kuvhota kusvika musi wa30 Chivabvu kuti vanotarisa mazita avo mugwaro revavhoti kutanga musi wa 17 kusvika 26 mwedzi uno sezvo poda kutanga kuganhurwa matunhu ekuvhota.

Muchiziviso chavaita sachigaro weZEC Justice Priscilla Chigumba vakuridzira vanhu kuti vanoongorora mazita avo panzvimbo dzavakanyoresa kuvhotera. Izvi zvatsinhirewa nemukuru weZEC mudunhu reMashonaland West VaAustin Ndlovu.

VaNdlovu vanoti chirongwa chekuongorora mazita ichii chakakoshera kuti kana paine zvakanganiswa zvigadziriswe.

Sachigaro werimwe sangano rinoongorora sarudzo rakazvimirira reZimbabwe Election Support Network -ZESN- VaAndrew Makoni vanoti chirongwa chekuongorora mazita mugwaro revavhoti chakakosha sezvo zvichiburitsa huwandu hwevanhu vakanyoresa munzvimbo zvinozoshandiswa mukuita miganhu mitsva.

Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanotiwo kunyoresa kuvhota kuchiri kuenderera mberi zvisinei nekuti huwandu hwevanhu vakanyoresa kuvhota kusvika musiwa 30 Chivabvu ndihwo huchashandiswa pakutara miganhu. VaZiyambi vanoti munhu akanyoresa nhasi anogona kuvhota muna 2023.

Vanhu vanokwanisa kuenda kumahofisi eZEC ari mumatunhu ose enyika kuti vanyorese kuvhota.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG