Dare remuSpain rapa mvumo yekuti mutumbi wevaive mutungamiri wenyika yeAngola VaJose Eduardo dos Santos vakafira muguta reBarcelona munyika iyi nemusi weChishanu uvhiyiwe kuti paonekwe kuti vakashaya nei.
VaJose dos Santos vakashaya vave nemakore makumi manomwe nemapfumbamwe ekuberekwa uye vanonzi vange vave nenguva vachirwara.
Mwanasikana wavo Tchize do Santos akakumbira kuti izvi zviitwe nekuti anofungidzira kuti panogona kunge paine zvisina kutsarukana zvakaitika zvikakonzera rufu rwavo. Vanoti vanogona kunge vakaurayiwa sezvo vaida kutsigira bato rinopikisa.
Nhepfenyuro yeBBC inoti mufi akati aida kuvigwa kuSpain nemhuri yake chete asi Angola iri kuda kuti vadzorwe kumusha. Kubva zvavasiya basa muna 2017, VaDos Santos vange vachigara kuSpain. Vainge vatanga kutungamira nyika muna 1979.
Mutungamiri weAngola VaJoao Lourenco vakatara mazuva mashanu ekuchema VaDos Santos.
(Zvimwe zvabva kuBBC, Reuters)
Facebook Forum