Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Chikuguru 11, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Vamwe vezvitoro voramba kutambira mari yemunyika vachiti vanoda madhora ekuAmerica chete zviri kunzi nehurumende kutyora mutemo.

Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva rekurwisa huori reAfrica Anti-Corruption Day. Huori hunonzi hwakanganisa nyika dzemuAfrica zvakanyanya.

Vamwe vanhu vekwaChivi neChiredzi kuLowveld vave kutengesa zvipfuyo zvavo kuti vararame sezvo nzara yapfunya chisero. Hurumende iri kuti nyika ine chibage chakakwana asi vanhu ava vanoti havasi kuchiona.

Hurumende yopomerwa mhosva yekushandisa matare kumbunykidza vanopikisa kunyangwe iri kuti hayo matare akazvimirira oga.

Dzimwe nyanzvi dzoita ongororo kuona kuti kunwa mapiritsi eHIV/AIDS neerurindi kana kuti TB kunokanganisa here kana kuti kwete hutano hwemunhu.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yemamiriro akaita zvinhu munyika vamwe vachiti maberekera ingwe kune vanopikisa avo vave kungosungwa nekushungurudzwa. Tichatarisawo kuratidzira kwakaita vamwe muSouth Africa nezuro vachishora kurwiswa kwezvizvarwa zvedzimwe nyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG