Accessibility links

Breaking News

Sangano Rinorwira Kodzero Dzevana Rinotarisira Kukwidzwa Kwemakore Evana Vanogona Kupomerwa Mhosva


Chiratidzo cheJustice For Children

Zvichitevera zvakabuda mukutaura nevanhu vakasiyana siyana mumatunhu ose emunyika, nhengo dzedare reparamende dzinokurudzira kuti makore emwana anogona kupomerwa mhosva aiswe pamakore gumi nemaviri

Sangano reJustice For Children rinoti rinofara zvikuru nemitemo mitsva inokwidza makore evana vanogona kupomerwa mhosva mumatare kubva pamakore manomwe kusvika pamakore gumi nemaviri.

Zvichitevera zvakabuda mukutaura nevanhu vakasiyana siyana mumatunhu ose emunyika, nhengo dzedare reparamende dzinokurudzira kuti makore emwana anogona kupomerwa mhosva aiswe pamakore gumi nemaviri, izvo mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano re’Justice For Children’, VaJohn Mhlanga, vanoti idanho richapinza Zimbabwe muchikwata chenyika zhinji muAfrica dziri kuchengetedza vana vadiki nekusavapomera mhosva mumatare kusvika vava nemakore gumi nemaviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG