Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachinyora mubepanhau reSunday Mail vati hapana kudududza panyaya yekuvandudza mutemo wemasangano akazvimirira oga kana kuti Private Voluntary Organizations Act.
VaMnangagwa vari kupomera masangano aya nevamwe vemakereke mhosva yekuda kukonzera kusagadzikana munyika vachishandiswa nehurumende dzekunz. Asi vamwe vakuru vemasangano akazvimirira oga aya vanoti kana ingwe yave kuda kudya vana vayo inotanga kuvati vari kunhuwa sembudzi.
VaMngagawa vati hurumende yavo yakaita misangano nemamwe machechi vakavajekesera nyaya iyi. Mashoko aya anotsinhirwa negurukota ravo rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vati vakaita nhaurirano nemasangano akazvimirira oga.
Asi vachipawo pfungwa dzavo, mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZIMRIGHTS VaDzikamai Bere vati zviri kutaurwa nehurumende panyaya iyi handizvo zvavakataura kumusangano weUnited Nations svondo rapera uko yakavimbisa kuti ichaona kuti masangano anoshsanda akazvimira ogo achashanda asingambunyikidzwe.
Facebook Forum