Hurumende yeAngola inoti vaimbove mutungamiri wenyika, VaJosé Eduardo dos Santos vashaya vari mune imwe kirinika muBarcelona, kuSpain mushure mekurwara.
VaDos Santos, avo vakatungamira Angola kubva muna 1979 kusvika muna 2017, vakazvarwa muLuanda muna 1942 vakazove nhengo yebato reMPLA muna 1961, gore rakatanga hondo yekurwira rusunguko kubva kuPortugal.
Vakazosarudzwa kuve nhengo yeCentral Committee yebato reMPLA muna 1974, vakazodomwa kuve gurukota mushure mekunge Angola yawana kuzvitonga muna 1975.
VaDos Santos vakazove mutungamiri webato reMPLA uye wenyika muna 1979 mushure mekushaya kwevaive mutungamiri webato nenyika, VaAgostinho Neto.
Angola yakazove nehondo yekumukirwa kwehurumende nechikwata cheUNITA iyo yakazopera muna 2002 zvichitevera kuurayiwa kweaitungamira UNITA, Jonas Savimbi.
VaDos Santos vanozvikanwa nenyaya dzekuumba hupfumi kuburikidza nehuwori hwaigutsa mhuri yavo zvakanyanya izvo zvakaita kuti mwanasikana wavo, Amai Isabel Dos Santos vave munhukadzi akapfumisisa muAfrica yose.
Facebook Forum