Vaimbove mutungamiri wehurumende yeJapan, VaShinzo Abe, vapfurwa ndokufa apo vanga vachitaura pamusangano wekutsvagira bato ravo rutsigiro kumawirira kweJapan.
VaAbe, avo vanga vave nemakore makumi matanhatu nemanomwe ekuberekwa, vashaya vari mune chimwe chipatara muNara, umo vanga vachirapwa vari zvichitevera kupfurwa kwavaitwa nepfuti inenge yakagadzirwa kumba.
Vanga vachitaura vari panokwirirwa zvitima muguta reNara, kumabvazuva kweOsaka, apo vasvikira nekugotsi kwavo nemurume anga aine pfuti uyo avapfura.
Mavhidhiyo ari kutenderera pamadandemutande anoratidza kuti vanga vachiona zvanga zvichiitika vamboedza kuvabatsira.
VaAbe vakapinda muhofisi muna 2006 vakatonga kwegore vachizodzoka zvakare muna 2012 kusvika muna 2020 apo vakazosiya chigaro nekuda kwehutano hwavo.
Facebook Forum