Accessibility links

Breaking News

Imwe Zvakare Kambani yekuChina iri muNyika, yeDinson Iron and Steel Company, Yopomerwa Mhosva yeKudzvinyirira Vashandi


Makambani ekuChina ari munyika ari kupomerwa mhosva yekudzvinyirira vashandi.

Pasina masvondo maviri sangano rinomirira vashandi pasi rese reInternational Trade Unions Confederation, (ITUC), radoma kambani yekuChina yeAfrochine sekambani inotyora kodzero dzevanhu zvakanyanya, imwe kambani yekuChina, yeDinson Iron and Steel Company, inonzi iri kudzvinyirira vashandi kuManhize kuMvuma uko iri kuvaka muzinda mukuru wekugadzira simbi munyika.

Sangano rinomiriri vashandi vari mukuvaka, reZimbabwe Construction and Allied Trades Workers Union, rinoti rave nenguva richirambidzwa nevakuru-vakuru vekambani iyi vekuChina kuti nhengo dzaro dzishanyire vashandi vekambani iyi, avo vanoti vari kupiwa mihoro iri pasi peyakatarwa pamwe nekurambidzwa kuti vaumbe makomiti anovamirira pazvichemo zvavo.

Munyori mukuru musangano iri, VaNicholas Muchapuwa Mazarura, vaudza Studio 7 kuti vave nenguva vachiedza kundoona vashandi vanodarika zviuru mazana maviri kuManhize asi vachirambidzwa kupinda panzvimbo iyi.

VaMazarura vaudza Studio 7 kuti vashandi ava vari kuchemachema nenyaya yekupihwa mihoro iri pasi peino bvumirwa nemutemo, nyaya yekushanda nguva ndefu, pamwe nekurambidzwa kuumba makomiti anovamirira nezvimwe.

Vati vashandi ava vari kubhadharwa mari inoita masendi ekuAmerica gumi nerimwe paawa yoga yoga asi ivo vachifanira kupiwa mari isiri pasi pedhora rekuAmerica rine masendi makumi mana paawa.

VaMazarura vaenderera mberi vachiti chinosuwisa inyaya yekuti pese pane makambani eku China masangano anomirira vashandi vakaita seravo anorambidzwa kuona vashandi kana kuita misangano nemakambani aya kuti atevedze mitemo yevashandi vemuno.

Asi achitaura pamusoro penyaya yekuManhize, mumwe mukuru mubazi rezvevashandi kuGweru uyo asina kuda kudomwa nezita sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau, audza Studio 7 kuti kusanzwisisana pakati pevakuru vekambani yeDinson Iron and Steel Company nesangano reZimbabwe Construction and Allied Workers Union kwakagadziriswa uye vanotasira kuti mapoka maviri aya asangane nguva ipi zvayo kubva pari zvino.

Pataenda pamhepo kambani iyi yange isati yapindura mibvunzo yatavatumira.

Kana kambani iyi ichinge yave kushanda zvizere, inotasirirwa kupinza basa vanhu vanodarika zviuru zvitanhatu.

Dison Iron and Steel Company imwe yemakambani ari pasi pekambani huru yekuChina inonzi Tsingshan Holding Group.

Imwe kambani iri pasi peTsingshan Holding Group yeAfrochine iyo ine chigayo chekoromu kuChegutu, yakanzi neITUC ndiyo kambani iri pamusoro pakudzvinyirira vashandi muZimbabwe.

Munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Union, VaJaphet Moyo vanoti kunyange hazvo ITUC yakadoma Afrochine, vashandi vese vemakambani ezvizvarwa zvekuChina vane zvichemo zvakafanana.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rinoona nezvavashandi nemabasa, Muzvinafundo Paul Mavhima. Asi Muzvnafundo Mavhima vakamboudza Studio 7 nguva pfupi yapfuura kuti hurumende inotaririsira kuti makambani ese anouya kuzoshanda muZimbabwe anoshanda achitevedza mitemo yevashandi nemimwe.

Asi vanoongorora nyaya dzehupfumi, VaMasimba Kuchera vaudza Studio 7 kuti vanoona sekuti hurumende haidi kutora matanho nemakambani ekuChina anotyora kodzero dzevashandi nekuti China iri kupa Zimbabwe zvikwereti zvekuita mabasa ebudiriro munyika.

Kunze kwemakambani anochera zvicherwa nekugadzira zvinhu zvakaita sesamende, makambani ekuChina ndiwo akapiwa mabasa ekuvandudza nhandare dzendege munyika dzakaita seHarare, Bulawayo neVictoria Falls, kuvaka paramende itsva, kuvandudza magwenya emagetsi kuKariba neHwange nemamwe mabasa akasiya siyana.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG