Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rakurudzira neChishanu vana veZimbabwe kuti vapfeke nhumbi dzeruvara rwe yellow, senzira yekutsigira nhengo dzaro gumi nenhatu dziri muhusungwa mushure mekusungwa dzichipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga.
Nhengo idzi dzinonzi dzakakonzera mhirizhonga kuNyatsime kuChitungwiza zvichitevera kupondwa kwenhengo yeCCC, Muzvare Moreblessing Ali, avo vakazowanikwa mutumbi wavo wakachekwachekwa.
Nhengo dzakasungwa dzinosanganisira mutevedzeri wasachigaro vebato uye vari mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, pamwe nemumiriri weChitungwiza North, VaGodfrey Sithole.
Mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Ostalos Siziba vanoti vari kukurudzira veruzhinji kuti vabatane navo pakumira nenhengo dzavo gumi nenhatu idzi, idzo vanoti dziri kungoshungurudzwa sezvo dzakasungwa dzisina mhaka.
VaSikhala naVaSithole vakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare reHigh Court, mutongi wedare achiti anotyira kuti vakapiwa mukana, zvikuru VaSikhala, vanonopara dzimwe mhosva.
VaSikhala ndivo gweta remhuri yaMuzvare Ali.
Facebook Forum