Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Maviri Anorohwa Zvakaipisisa neVeruzhinji muHarare Mushure meKukonzeresa Tsaona Yaurayisa Munhu


Mapurisa eZimbabwe Republic Police

Mapurisa enyika eZimbabwe Republic Police maviri emuHarare anonzi akuvadzwa zvakaipisisa zvichitevera kurohwa kwaanonzi aitwa neveruzhinji achipomerwa mhosva yekukonzeresa tsaona yemumugwagwa yauraya mumwe murume mumugwagwa weHighglen muHarare.

Sangano renhau repadandemutande, reZimLive rinoti mapurisa aya ari muchipatara umo ari kurapwa kukuvadzwa uku.

Chiitiko ichi chinonzi chaitika mushure mekunge mapurisa aya akikiritsana nemutyairi wekombi waanga achiedza kusunga motokari ichifamba.

Takundikana kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe zvizhinji, asi gwaro raburitswa nemapurisa padandemutande reTwitter pamusoro penyaya iyi rinoti mapurisa ane hurombo nechiitiko chemangwanani eChishanu ichi, icho anoti chaitikira pedyo nemugwagwa weMashayabhande.

Mapurisa anoti murume wekutsikwa achifa uyu anga ave nemakore makumi mashanu nemana ekuberekwa.

Gwaro remapurisa iri rinoti mapurisa maviri aya anga asina mvumo yekuita basa raanga achida kuita iri, richiti mapurisa aya achatorerwa matanho, uye mutemo uchatora muronga wawo.

Mune imwewo nyaya ine chekuita nemapurisa, mumwe mupurisa anonzi arohwawo neveruzhinji muBulawayo mushure mekunge abvutira mutyairi motokari yake ndokuzoirovera ave kuedza kuityaira.

Mupurisa uyu anonzi akuvarawo zvakaipisisa mutsaona yaaita iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG