Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vanosungwa Zvakare neMapurisa


VaObert Masaraure

Mutungamiri wesangano re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaObert Masaraure, vanonzi vasungwa zvakare nemapurisa manheru ano mushure mekunge vaenda kumapurisa uko vanonzi vanga vashevedzwa.

Mutevedzeri wemunyori weARTUZ, VaMunyaradzi Masiyiwa, vazivisa kuti VaMasaraure vasungwa vachipomerwa mhosva yekupesvedzera mhirizhonga uye kukanganisa kufambiswa kwemutemo.

Pataenda pamhepo vanga vachiri mumaoko emapurisa pakamba yemapurisa paHarare Central. Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, kuti tinzwe divi repamusira panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMasaraure vari kunze mushure mekubvisa mari yechibatosi pane imwe mhosva yavari kupomerwa yekuve nechekuita nekufa kwaVaRoy Issa muna 2016, kunyange hazvo nyaya iyi ichinzi yakanga yaferefetwa nematare edzimhosva VaMasaraure nemumwe wavo vavari kupomerwa mhosva iyi pamwechete, VaRobson Chere, vanove munyori wesangano ravo, vakachenurwa.

VaChere vakasungwa zvakare kutanga kwesvondo rino vachipomerwawo mhosva yekuuraya VaIssa.

Zvichakadaro, sangano reARTUZ, rinoti vadzidzisi vari kubatana kuita munamato wehusiku hwese muHarare nemativi mana enyika, senzira yekusimbisana nekubata nemamwe masangano mukurwira kodzero dzavo dzavanoti dziri kutyorwa nehurumende kubudikidza nekusungwa nekushungurudzwa kuri kuitwa hutungamiri hwesangano iri.

VaMasaraure vaudza Stduio 7 vasati vasungwa kuti vari kukurudzira vana veZimbabwe nyika yose kuti vabatane nevarairidzi, uye vatore twumavhidhiyo zvevanenge vaita mukurangarira kwavo, utwo twuckazoiswa padandemutande resangano iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG