Accessibility links

Breaking News

Kutoreswa Mhiko kweMwana waVaMohadi Kuva Komishina weZEC Kwokonzera Mutauro


Mutevedzeri wemutungamiri webato reZanu-PF VaKembo Muhadi
Mutevedzeri wemutungamiri webato reZanu-PF VaKembo Muhadi

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatoresa mhiko makomishina matsva esangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe Electotal Commission nhasi asi kutoreswa mhiko kwemwana wemutevedzeri wemutungamiri webato reZanu-PF VaKembo Mohadi kwakonzera mutauro wakanyanya.

Vatora mhiko nhasi ndi Catherine Mpofu, Abigail Millicent Mohadi Ambrose, Janet Mbetu Nzvenga naKudzai Shava. Vamwe vatora mhiko zvakare ndiRosewita Murutare naVaSherpherd Manhivi.

Asi kusarudzwa kwaAmai Mohadi Ambrose mwana wevaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari nhengo yeZanu-PF kwakonzera mutauro wakanyanya. Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaRashweat Mukundu vati kudomwa kwemwana waVaMohadi kuchapa kuti vanhu vashaye chivimbo neZEC iyo yagara ichinzi yakazara mauto nevasori.

Asi vachinyora padandemutande ravo reTwitter, munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vati hapana chakaipa kuti hama dzevakuru vakuru vehurumende dzipihwe mabasa sezvinongoita munhu wose.

Amai Mohadi-Ambrose vanonzi neZEC vakadzidzira Mabasa emari kana kuti Accountant.

Vachitoresa mhiko VaMnanagagwa vati varikuzadzikisa zvinosungirwa nebumbiro remitemo yenyika.

Vachitaura nevatori venhau mushure mekutora mhiko, VaKudzai Shava avo vanorarama nehurema vatiwo vachange vachishanda kuona kuti komishini iyi yagadzirisa matambudziko ese anosanganiwa navo nevakaremara munyaya dzesarudzo.

Vachitaurawo nevatori venhau mushure mechiiitiko ichi, sachigaro weZEC Amai Priscilla Makanyara Chigumba vatiwo vafara kuti komishini yavo yave nevanhu vakakwana huye vachaenderera mberi nebasa rekutara miganhu yematunhu munyika kuitira sarudzo dza2023. Amai Chigumba varambawo mashoko ekuti kune hutsotsi hunoda kuitwa pakutara miganhu iyi

Kunyangwe vamwe vari kugunun’una nemamamwe makomishina atora mhiko, vanoshanda nesangano reElection Resource Center kana kuti (ERC) VaTakunda Tsunga vati tsvakiridzo yavaita inoratidza kuti hapana chakaipa pane vatora mhiko kunze kwemutauro wakonzerwa naAmai Mohadi Ambrose.

Asi VaTsunga vati sesangano vanotarisira kuti vasarudzwa ava vatevedzere mitemo yenyika zvinoita kuti munyika muitwe sarudzo dzisina mvongamupopoto.

Asi mutevedzeri wemutauriri webato reCitizens Coalition for Change, VaGift Ostallos Siziba vati havana kufara nekupinda kwemwana wavaMohadi.

Komiti inoona nezvekufambiswa kwemabasa muparamende , yeStanding Rules and Orders mwedzi wapera yakabvunzurudza vanhu makumi matatu nevaviri avo vaida zvigaro zvitanhatu izvi mushure mekupera kwetemu yemakomishina aivepo.

Sangano reZEC rinoumbwa nemakomishina mapfumbamwe kusanganisira sachigaro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG