Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inonzi Ine Zvakawanda Zvekudzidza Kubva Mukusiya Basa kwaVaBoris Johnson


Mutungamiri weBritain VaBoris Johnson
Mutungamiri weBritain VaBoris Johnson

Mutungamiri wehumende yeBritain VaBorris Johnson vasiya basa mushure mekushaya rutsigiro kubva kumakurukota avo.

Kushaya rutsigiro uku kunouya apo VaJohnson vari kupomerwa mhosva yekutadza kutungamira nyika, kusatevedzera mitemo pamwe nekupererwa
nemazano ekufambisa nyika kuti iyenderere mberi.

Kusiya basa kwaVaJohnson kwatambirwa zvakasiyana munyika asi vakawanda vachiti vatungamiri vemudunhu reAfrica zvikuru munyika vanofanirwa kudzidza kuti mutungamiri anogona kusiya basa kana joki ramuremera.

Mumwe mugari wemuChinhoyi VaIsrael Nyandoro vanoti kusiya basa kwaVaJohnson kwakanaka sezvo nhengo dzebato ravo dziri idzo dzanga dzisisafare nekutungamira kwavo.

VaNyandoro vanoti izvi zvinoitika chete kunyika dzine hutongi hwejekerere mukufambisa nyaya dzezvematongerwo enyika.

Mutauriri webato rinopikisa reMDC T, VaWitness Dube vanoti kusiya basa kwaVaJohnson kuno ratidza zvinofanirwa kuitwa nevatungamiri vane nduramo uye vanenge vaona kuti vari kutadza basa.

Mukuru wePlatform for Youth and Community Development VaClaris Madhuku vanoti zvaitwa naVaJohnson mucherechedzo wekuti vatungamiri venyika dzekumadokero vachine hana inovaudza kuti vatadza zvekuti havachakwanisa kuramba vachienderera mberi nekutungamira.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachigara kuSouth Africa VaMunjodzi Mutandiri vanoti chidzidzo chikuru chinofanirwa kucherechedzwa ndechekuti kana mutungamiri asarudzwa anofanira kuita zvido zvenyika kwete zvake

VaMutandiri vanoti havaone hukama hweZimbabwe neBritain huchishanduka. Mutevedzeri wemutauriri webato rinopikisa reCitizen Coalition for Change-CCC- VaOstalis Siziba vanoti vatungamiri vemuZimbabwe vanofanirwa kuziva kuti vanokwanisa kubva vamwe vachiuya.

Nyanzvi munyaya dzezvematoongerwo enyika vachidzidzisa pachikoro chikuru cheUniversity of Zimbabwe, VaProlific Matarutse vanoti kusiya basa kwaVaJohnson kunoratidza kuti hapana munhu kana mutungamiri ari pamusoro pemutemo.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vange vachiyedza kuumbiridza hukama nenyika yeBritain iyo yakabatana nedzimwe nyika dzakabudirira kutemera vatungamiri vehurumende zvirango ichivapomera mhosva yekutonga nedemo.

Britain pakatora VaMnangagwa masimba mushure mekunge mauto apidigura hurumende yamushakabvu Robert Mugabe yakazoora moyo ichiti vainge vakundikana kuunza hutongo hwejekerere muZimbabwe sezvaitarisirwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG