Accessibility links

Breaking News

CCC Yoshora Kunyimwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso kwaVaSikhala naVaSithole


VaJob SIkhala, VaTendai Biti naVaGodfrey Sithole

Mumiriri weZengeza West VaJob Sikhala nemumiriri weChitungwiza North Godfrey Sithole vanyima mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare repamusoro pamhosva yekukonzera mhirizhonga yavari kupomerwa kuNyatsime kuChitungwiza.

Mutongi wedare repamusoro, Amai Lucy Mungwari vanyima vaviri ava mukana wekubvisa mari yechibatiso vachiti VaSikhala kunyanya vanogona kupesvedzera mhirizhonga.

Asi mutauriri weTripple C Muzvare Fadzai Mahere vaudza Studio 7 kuti VaSikhala havasati vambobatwa nemhosva nekudaro hazvina nematuro ose kuvapomera mhosva yekuti vanozopesvedzera mhirizhonga.

Mapurisa akasunga nhengo dzeCitizens Coalition for Change gumi nevatatu kusanganisira VaSikhala naVaSithole. Asi vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu vanoti vari kushamisika kuti sei nhengo dzebato reZanu-PF dzinotoonekwa nepamavhidhiyo dzichikurudzira mhirizhonga nekuvhirinidza zvinhu parufy rwaMuzvare Moreblessing Ali dzisina kusungwa.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vakati hapana akamhan’ara kunyangwe veCCC vachiti vakaenda kumapurisa ayo akaramba kusunga vaipomerwa mhosva ava.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanyora padandemutande ravo reTwitter vachitsigira danho rekunyima VaSikhala naVaSithole mukana wekubvisa mari yechibatiso vachiti mapazi ose ehurumende anosungirwa kuchengetedza vanhu kubva kune vanoda kukonzera mhirizhonga. VaSikhala igweta raMuzvare Ali.

Tichiri panyaya dzange dziri mumatare, munyori mukuru wesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ vaRobson Chere vamiswa pamberi pedare nhasi vachipomerwa mhosva yekuponda vaRoy Issa muna 2016.

VaChere vanzi nedare ramejastiriti vadzoke kudare musi wa 28 mwedzi uno vachibva vaendeswa mutirongo.

Asi gweta ravo Amai Beatrice Mtetwa vati vachakwira kudare repamusoro kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Mutungamiri we ARTUZ, VaObert Masaraure vari kupomerwawo mhosva imwe chete naVaChere vati zviri pachena kuti vari kungoshungurudzwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG