Accessibility links

Breaking News

Hurumende neZanu PF, Vopomerwa Mhosva yeKushungurudza Vanopikisa Pamberi peSarudzo dza2023


Mapurisa ndevamwe vari kupomerwa mhosva yekushungurudza vanopikisa pamwe nevemasangano akazvimirira pamberi pesarudzo dza2023.

Vamwe vanopikisa, vanorwira kodzero dzevanhu nevemasangano akazvimirira oga vari kupomera hurumende nebato reZanu-PF mhosva yekushungurudza vanopikisa ichishandisa mapurisa nematare edzimhosva pamberi pesarudzo dza2023.

Vamwe vari kunzi vari kushungurudzwa vanosanganisira nhengo dzebato reCitizens’ Coalition for Change dzinosanganirisa mumiriri weZengeza West vari mutevedzeri wasachigaro VaJob Sikhala, mumiriri weChitungwiza North pamwe nenhengo nhatu dzeCCC, idzo dzakasungwa kuChimanimani dzichipomera mhosva yekupamba sachigavo vevechidiki mubato reZanu PF, VaNicholas Madzianike.

Vamwe vanonzi vari kushungurudzwa vanosanganisiranhengo dzesangano revadzidzisi reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure nemunyori wesangano iri VaRobson Chere nevamwe.

Hurumende iri kupomerwawo mhosva yekuvandudza mitemo yakaita seyemashandiro emasangano akazvimirira oga kana kuti Private Voluntary Organization Act kuambunyikidza.

Asi vehurumende nebato reZanu-PF vanoti mutemo hautarise kuti munhu wabuda mumba maani.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu vanoti vanhu vari kunyunyuta kuti hurumende neZanu PF kushungurudza vanopikisa ivavo varipo asi vana veZimbabwe vanoziva kuti vatengesi vari kuda kufadza varungu.

VaChirumhanzu vanoti nyika inovakwa nevene vayo saka vana veZimbabwe vari kuziva kuri kuenda nyika vakatora minda kuvaka nyika yavo asi vanopikisa vachirega kutora nekuti vanoda kufadza varungu.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaTendai Reuben Mbofana, vanoti nyika yave kutoputswa nevene vayo panzvimbo yekuti vange vachiivaka.

VaMbofana vanoti chiri nkudiwa iye zvino munyika ndechekuti muve nehutongo hwejekerere, kwete zvekutyorerana kodzero munhu achinzi mutengesi.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG