Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, China, Chikunguru, 07, 2022


Misoro yeNhau yeShona
Misoro yeNhau yeShona

Mumiriri weZengeza West VaJob Sikhala nemumiriri weChitungwiza North Godfrey Sithole vonyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare repamusoro pamhosva yekukonzera mhirizhonga yavari kupomerwa.

Mutungamiri wehurumende yeBritain VaBoris Johnson vasiya basa nhasi. Ko izvi zvinorevei pakudyidzana kweZimbabwe neBritain?

Makomishina matsva eZimbabwe Electoral Commission otoreswa mhiko nhasi.

Munyori mukuru weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaRobson Chere vanzi vagare mutirongo kusvika musi wa 28 Chikunguru asi magweta avo ati ave kuenda kudare repamusoro kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatso. VaChere vari kupomerwa mhosva yekuponda iyo vari kuramba.

Bato reMDC-T rinoti handiro rakapa kuti kambani yeGeogenix BV ipihwe basa rekugadzira nzvimbo inorasirwa marara yePomona ichiti zvekupa basa zvinoitwa nevakuru vekanzuru kwete makanzura.

Mutori wenhau Anyway Yotamu orohwa nekusungwa nemapurisa achiita basa rake muHarare.

Vezvematongerwo enyika vozeya nekunonzi nevamwe kushungurudzwa nehurumende yeZanu PF kwevanopikisa hurumende pamwe nevemasangano akazvimirira uko kunonzi kuri kuenderera mberi nenzira dzakasiyanasiyana, dzinosanganisira kusungwa pamwe nekungushungurudzwa vari muhusungwa vachinyimwa mikana yekubvisa mari yechibatiso paine nguva.

Muchirongwa chedu cheWomen’s Roundtable na8pm chatinotaura nemadzimai, tiri kutarisa hurongwa hwemasangano anomirira madzimai ekuvakurudzira kuti vanyorese kuvhota. Tichakurukurawo nezvekusiya basa kwemutungamiri wehurumende yeBritain, VaBoris Johnson.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG