Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ VaObert Masaraure vanoti vari kushushikana kuti sei mapurisa kudivi reLaw and Order kwete rinoongorora nyaya dzekupondwa kwevanhu reHomicide ari ivo ave kuferefeta mhosva yekuponda iri kupomerwa vatungamiri vesangano ravo.
Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seAmnesty International anoti hurumende yave kushandisa mapurisa nematare kumbunyikidza kodzero dzevanopikisa.
Asi gurukota rezvemutemo VaZiyambi Ziyambi vakaudza Studio 7 kuti mutemo hautarise kuti wabuda mumba maani.
VaMasaraure nemunyori mukuru wesangano ravo VaRobson Chere vari kupomerwa mhosva yekuponda imwe nhengo yesangano iri VaRoy Issa muna 2016.
Asi vari kuramba mhosva iyi uye vakambochenurwa nedare rakati VaIssa vainge vadonha kubva mumba yemudurikidzwa yechinomwe paJameson hotel muHarare.
VaMasaraure vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare repamusoro, asi VaChere vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare nemusi weChina.
Facebook Forum