Accessibility links

Breaking News

AU Yotumira Nhumwa yezveKuroodzwa kweVana Vasati Vabva Zera kuZimbabwe


AFRICAN UNION HQ ADDIS ABABA
AFRICAN UNION HQ ADDIS ABABA

Nhumwa yeAfrican Union kana kuti Special Rapporteur panyaya dzekupedza dambudziko rekuroodzwa kwevana vasati vabvazera vaHermaine Kembo vari muZimbabwe vachitungamira chikwata chiri kuongorora pasvika nyika pakuzadzikisa zviga zvegungano iri rekupedza dambudziko iri.

Zimbabwe kunyangwe yakadzika mutemo wekuti vana vasaroodzwe vasati vabvazera, inonzi iri kutatarika kugadzirisa dabudziko iri. Bazi reUnited Nations rinoona nezvekodzero dzevana reunicerf rinoti Zimbabwe iri pakati penyika makumi maviri muafrica dzine dambudziko iri.

Ongororo yakaitwa nehurumende neUnicerf inonzi MultipleI Indicator Cluster Survey muna 2019 yakaratidza kuti vanasikana vashanu kubva muzana muzimbawe vakaroorwa vasati vasvika makore gumi nemashanu. VaKembo vakaita musangano negurukota rezvemadzimai, amai sithembiso nyoni. Vari kutarisirwa kusangana nemamwe makurukota ehurumende nevemasangano akazvimirira oga.

Murwiri wekodzero dzemadzimai nevanasikana anoshanda sechipangamazano munyaya dzekufambiswa kwemashoko ebudiriro mumasangano anoshanda neSADC ne AU muzvare Farie Mukumba, vanoti AU inofanira kuona kuti mitemo inorambidza kuroodzwa kwevana iri kuchengetwa munyika dzese dzemuAfrica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG