Nyanzvi munyaya dzezve hutano Dr Simbiso Ranga vari kukurudzira veruzhinji vasati vabaiwa nhomba yeCovid-19 munyika kuti vabaiwe sezvo kutonhora kwakanyanya kuri kuita kunze kuri kupa kuti zvirwere zvechikosoro zviwande.
Dr Ranga vayambirawo veruzhinji kuti vasadziye mbaura mudzimba dzisina mafafitera sezvo izvi zvinozokwanisa kukonzera dambudziko rekufema mweya wecarbon monoxide unokwanisa kuita kuti vanhu varasikirwe nehupenyu.
Bazi rezvemamiriro ekunze rakazivisa kuti kutonhora kuchaenderera mberi kusvika mwedzi unouya.
"Tino kurudzira kuti vasati vabaiwa nhomba yeCovid-19 vabaiwe kuitira kuti vasabatwe nedenda iri zvine hukasha panguva iyo mamiro ekunze munyika ari kuramba achiwedzera kutonhora,"Dr Ranga vaudza Studio 7.
Zvichakadaro, bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChipiri kuti vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 vamwe makumi mashanu vakabatwa nacho. Kunyangwe hurumende yange ichida kuti vanhu zvikamu makumi manomwe kubva muzana vabayiwe nhomba mukurupera kwemwedzi uno.
Facebook Forum