Accessibility links

Breaking News

Chando Chokwidza Kamba Mumuti Chopa Vanachiremba Kuti Vakurudzire Kubaiwa Nhomba yeCovid-19


Dr Simbiso Ranga
Dr Simbiso Ranga

Nyanzvi munyaya dzezve hutano Dr Simbiso Ranga vari kukurudzira veruzhinji vasati vabaiwa nhomba yeCovid-19 munyika kuti vabaiwe sezvo kutonhora kwakanyanya kuri kuita kunze kuri kupa kuti zvirwere zvechikosoro zviwande.

Dr Ranga vayambirawo veruzhinji kuti vasadziye mbaura mudzimba dzisina mafafitera sezvo izvi zvinozokwanisa kukonzera dambudziko rekufema mweya wecarbon monoxide unokwanisa kuita kuti vanhu varasikirwe nehupenyu.

Bazi rezvemamiriro ekunze rakazivisa kuti kutonhora kuchaenderera mberi kusvika mwedzi unouya.

"Tino kurudzira kuti vasati vabaiwa nhomba yeCovid-19 vabaiwe kuitira kuti vasabatwe nedenda iri zvine hukasha panguva iyo mamiro ekunze munyika ari kuramba achiwedzera kutonhora,"Dr Ranga vaudza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChipiri kuti vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 vamwe makumi mashanu vakabatwa nacho. Kunyangwe hurumende yange ichida kuti vanhu zvikamu makumi manomwe kubva muzana vabayiwe nhomba mukurupera kwemwedzi uno.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG