Accessibility links

Breaking News

VaSikhala, VaSithole Voramba Vari Mutirongo


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Nhengo dzedare reparamende dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaJob Sikhala vanomiririra Zengeza West naVaGodfrey Sithole veChitungwiza North vacharamba vari mutirongo kuChikurubi kusvika nemusi weChina.

Vachuchusi vehurumende vari kuti havasati vapedza kuzeya nezvechikumbiro chavo chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso here kana kut

Vaviri ava vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga kuNyatsime pakapomdwa nhengo yebato reCCC naPius Jamba ari muhusungwa.

Asi VaSikhala naVaSithole vari kuramba mhosva iyi.

Imwe nhengo yebato iri VaAmos Chibaya nezuro vakadaidzwa kumapurisa vakaendeswa kumatare vachipomerwawo mhosva yekuita musangano pasina mvumo yemapurisa.

VaChibaya vanoti zvose zviri kuitwa izvi kuda kuvatyisidzira asi vakati hazvishande.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG