Accessibility links

Breaking News

RBZ Yoparura Ndarama Inenge Iine Goridhe Inonzi Ndeye Shoroma


Dr John Mangudya
Dr John Mangudya

Mumashoko kuvatori venhau, gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya vakazivisa nezuro kuti kutanga musi wa 25 mwedzi uno vachaparura ndarama inenge iine goridhe. Inenge ichirema awunzi rimwe chete kana kuti one ounce iine makarati makumi maviri nemaviri kana kuti 22 carats.

VaMangudya vanoti vari kuita izvi kuti vachengetedze pfuma yevanhu vari kuti dhora remunyika riri kuramba richishaya simba, panguava iyo vakawanda vari kuchema kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mnyaya dzezvehupfumi munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesanganore Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Dr. Prosper Chitambara vanoti izvi zvinogona kushanda kana zvikaitwa nenzira yakanaka nekuti kune dzimwe nyika dzinoitawo zvimwe chete zvichishanda

VaChitambara vatiwo nekuda kwekuti ndarama iyi inenge iine goridhe, veruzhinji vasina zvikwanisiro nemari dzekutenga nadzo vanogona kushaya mukana wekutengawo ndarama idzi. .

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG