Accessibility links

Breaking News

“Huyai Titaurirane”  - Hurumende Youdza Vashandi Voronga Kuramwa Mabasa


Gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima
Gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima

Hurumende iri kukurudzira vashandi vayo kuti vambomira zvekuramwa Mabasa zvisinei nemari shoma yavanotambira.

Izvi zvinotevera gwaro ranyorwa nemamwe masangano anomiririra vashandi vehurumende vachizivisa kuti kana hurumende ikasagadzirisa nyaya yemihoro yavo mumazuva gumi nemana vachange vachizoramwa mabasa.

Masangano anyora tsamba iyi anoti, Public Service Association, the Federation of Educators Unions of Zimbabwe neNurses Federation of Zimbabwe.

Asi vachitaura neStudio 7, gurukota rinoona nezvevashandi VaPaul Mavhima vatiwo vashandi nevashandirwi vari kuzoita hurukuro nemusi weMuvhuro . VaMavhima vati hurumende inokoshesa hurukuro

Asi mutungamiriri weZimbabwe Nurses Association VaEnoch Dongo vanogara vachiti hurumende haidi zvenhaurirano pachine nguva vati vari kutambiriswa mutero wembwa.

Munyori mukuru werimwe sangano revarairidzi Progressive Teachers Union of Zimbabwe VaRaymond Majongwe vanotiwo sevashandi vanodawo mari inokwanisa kuti vararame sezvo vakatodzidzira mabasa avo.

Mutauriri weZimbabwe Teachers Association VaGoodswill Taderera vatiwo vashandi vehurumende vave kuita mushandirapmwe kuti vawedzerwe mari.

Asi VaMavhima vatiwo kuramwa mabasa kunokanganisa mabasa akakosha ehurumende.

Pave nenguva hurumende nevashandi vayo vasiri kuwirirana panyaya yemihoro. Vashandi vanotiwo vanoda kupiwa mihoro nemari yekunze vachiti zvinhu zvese zvave kungoda kubhadharwa nemari yekuAmerica panguva iyo vashandi vari kutambiriswa madhora emunyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG