Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuMasvingo Votsutsumwa neMitero Yoiswa Pachikero cheDhora rekuAmerica


Meya weMasvingo  VaCollen Maboke
Meya weMasvingo  VaCollen Maboke

Vamwe vagari vemuMasvingo vanoti hupenyu hwavaomera zvakanyanya mushure mekunge kanzuru yatanga kuvabhadharisa mitero yemvura, masiweji, marara nezvimwe nechikero chedhora rekuAmerica kumabhanga kana kuti bank rate unochinja zuva roga rofa.

Izvi zvapa kuti mimwe mitero ikwire zvakapetwa kaviri.

Kanzuru yakazivisa mukupera kwemwedzi wapfuura kuti yakachinja bhajeti rayo ichiriisa kumari yekuAmerica nekuda kwekushaya simba zvinotyisa kwedhora remunyika. Asi vanhu vanonzi vanokwanisa kubhadara mitero yavo nemari yemuno vachishandisa mutengo wekuchinja mari wekumabhanga.

Izvi hazvina kutambirwa zvakanaka nevagari vakaita saAmai Sungano Zvarebwanashe vanoti havakwanise kubhadhara mari dzave kudiwa pamwedzi.

Kanzuru isati yatora danho iri vagari vaibhdhara mari dzaitangira pazviuru zvisere -ZW$800 kusvika pazviuru gumi zvemadhora emunyika ZW$10, 000 pamwedzi. Asi mwedzi uno mari yakakwira zvekutangira kuzviuru makumi maviri ZW$20 000 zwdkusvika pazviuru makumi matatu kana kuti ZW$30, 000 Zimbabwe dollars

Mumwe mugari wekuRunyararo West ari pamudyandigere, Ambuya Beatrice Hamadziripi, vanoti mari yebhiri remvura yave kudarika muhoro wavo wepamwedzi .

Vagari vazhinji vari kuti vainge vachitotadza kubhadara mari yaivapo kare nekuda kwekuoma kwehupenyu vachivharirwa mvura nekanzuru nekudaro zvatowedzera dambudziko ragara riripo.
Meya weguta reMasvingo, VaCollen Maboke vanoti vakatora danho iri kuti vakwanise kuramba vachiita mabasa avo sezvo zvinhu zviri kungokwira munyika zuva nezuva.


Asi sangano rinomiririra kodzero dzevagari, reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance kana kuti MURRA rinoti kanzuru iri kuomesera vagary vasinawo chekubata.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa muMURRA, muzvare Rumbidzai Magurupira vati kanzuru yakatora danho iri isina kunzwawo zvichemo zvevagari.

MURRA yati iri kutora matanho kubudikidza nemagweta ayo anoriwira kodzero dzevanhu kuti kanzuru isendeke danho iri parutivi sezvo isina kutanga yawirirana nevagari.

Asi kanzuru inoti hazviiti kuti isendeke danho iri parutivi sezvo mari yemunyika iri kupera simba mitengo yezvinhu zvakaita semafuta ekufambisa dzimotokari nemishonga yekuchenesa mvura iri kukwira nguva nenguva.

Vanhu vari mumaguta handivo chete vari kuomerwa nezvinhu, vagari vekwaGutu vari kuchema chema nembavha nemakororo arikuba mombe dzavo ovhiya vachitora nyama chete vosiya mabhonzo pamwe neimwe mitezo yakadaro.

Vagari vakaita saVaMaxwell Munongedzi vekwaMasvingise vanoti makororo aya ari kuita chisonekwi nekuti vanogona kuuraya mombe mudanga rose vongevhiya vachitora nyama pakati pehusiku.

Vagari vazhinji vanoti vakamhan’ara nezvemakororo aya kumapurisa asi hapana vati vabatwa. Asi mhosva idzi dziri kutotekeshera mumaruwa.

Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inspector Kudakwashe Dehwa vati vange vasingakwanisi kutipa divi ravo panyaya iyi sezvo vange varimumusangano.

Vagari vanoti mbavha idzi dzikasabatwa vazhinji vachasara vasina chekurimisa sezvo vachishandisa mombe pakurima.

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG