Accessibility links

Breaking News

Vezvitoro Vomanikidzwa Kutengesa neMari yekuAmerica Vachiti Vezvigadzirwa Vave Kuvatengeserawo neMari yeKunze


Vamwe vezvitoro vanonzi vave kutara mitengo yavo vachiisa mumadhora ekuAmerica.
Vamwe vezvitoro vanonzi vave kutara mitengo yavo vachiisa mumadhora ekuAmerica.

Kubva pakaturwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnagagwa mutemo wechimbichimbi unobvumidza kushandiswa kwemari yekunze pamwe neyemunyika, we Statutory Instrument 118A Presidential Powers (Temporary Measures) (Amendment of Exchange Control Act) Regulations 2022, vamwe vezvitoro nevemisika vanonzi vakatotanga kutara mitengo yezvitengeswa zvavo vachishandisa mari yekuAmerica uye havachabvuma kutambira dhora remunyika.

Vakuru vakati chakupa ronda chati nhunzi dzikudye. Izvi ndizvo zvinonzi nevamwe zvave kuitika kuruzhinji rweZimbabwe rwuri munyika, urwo rwunonzi rwave kumanikidzwa kutsvaga dhora rekuAmerica kana rwuchida kuti rwukanise kuisa chekudya patafura.

Saka chii chave kukonzera kuti izvi zviitike? Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenfrod Mutashu vanotsanangura vachiti vezvitoro vari kumanikidzwa kutora danho iri nekuti vanogadzira zvitengeswa vave kuvatengeserawo nemari yekuAmerica.

Izvi zvinotsinhirwawo nemutungamiri werimwe sangano revanotengesera mumigwagwa, reVendors Initiative for Social and Economic Transformation VISET, VaSamuel Wadzayi, avo vanoti vanhu havachina chivimbo nemari yemunyika uye vanotoitya nekuda kwezvakambitika zvekuti munhu aimuka asisina mari kubhanga.

Munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti hazvisi zvitsva kuti vezvitoro vanoramba mari yemunyika vachida kungotambira dhora rekuAmerica, asi ivo vashandi vazhinji munyika vachitambira mihoro yavo iri mumadhora emunyika.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti ndiro dambudziko ravakagara vachitaura kuti richakonzereswa nekushandiswa kwemari yekunze pamwe neyemunyika nguva imwechete.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Deevelopment Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanotiwo izvi zvinokonzerwa nekukwira zvakanyanya kwe inflation, vanhu vopedzisira vasisina chivimbo nedhora remunyika.

Asi zviri pamutemo here kuti vemabhizimusi varambe kutambira dhora remunyika? Doctor Chitambara vanoti kunyange hazvo zvisiri pamutemo, vezvitoro vanomanikidzwa kutengesa nemari yekunze kuitira kuti vagozokwanisawo kuhodha zvimwe zvekuisa muzvitoro zvavo.

Saka zvingagadzirisika sei? Doctor Chitambara vanoti dambudziko iri rinogona kugadzirisika chete kana inflation yadzikira.

Ukuwo, VaKuchera vanoti nekuda kwedambudziko iri, mamwe makambani achatomanikidzwa kubhadhara vashandi vawo mihoro yavo iri mumari yekuAmerica senzira yekuti vabatsirikane.

Makanzuru emunyika pamwe nemapazi ehurumende anonzi ave kutarawo mitero nemiripo iri mumadhora ekuAmerica achishandisa mutengo wepamusika wezuvaro.

Studio 7 yakundikana kubata gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya kanawo gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube kuti tinzwewo mativi avo panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG