Accessibility links

Breaking News

Sangano reWorld Council Of Churches Rinodoma Rev. Mtata Kuti Vatungamire Rimwe Bazi 


Reverend Dr Kenneth Mtata
Reverend Dr Kenneth Mtata

Munyori mukuru wesangano remakereke, reZimbabwe Council of Churches, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vachasiya basa ravo mumwedzi waGumiguru kuti vanoshanda kumuzinda mukuru wesangano remubatanidzwa wemakere pasi pose, weWorld Council Of Churches (WCC), muguta reGeneva, kuSwitzerland. Izvi zvinotevera kusarudzwa kwavakaitwa neWCC kuti vave mukuru werimwe bazi resangano iri.

WCC inoti Reverend Mtata ndeumwe wevafundisi vatatu, kusanganisira Reverend Doctor Kuzipa Nalwamba vekuZambia, vakasarudzwa kutungamira mapazi matatu esangano iri.

Reverend Mtata, avo vachatanga basa iri musi wa 1 Mbudzi, vachange vachitungamira bazi rinoona nezvekudyidzana kwemakereke nemagariro evanhu pasi pose, kana kuti ‘Public Witness and Diakonia.’

Mufundisi Mtata vanoti vanotarisira kuita zvakanaka mubasa ravo, vachiti sechizvarwa cheZimbabwe, vanonzwa kukudzwa zvikuru nebasa iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG