Accessibility links

Breaking News

Vamwe veZvitoro Votara Mitengo yeZvinhu Zvavo neMari yeKunze


VaDenford Mutashu, mutungamiri wevezvitoro veConfederation of Zimbabwe Retailers.
VaDenford Mutashu, mutungamiri wevezvitoro veConfederation of Zimbabwe Retailers.

Vamwe vezvitoro vanonzi vakatotanga kutara mitengo yezvitengeswa zvavo vachishandisa mari yekuAmerica kubva pakaturwa mutemo unobvumidza kushandiswa kwemari yekunze pamwe neyemunyika.

Hatina kukwanisa kubata mutungamiri wesangano revezvitoro, VaDenford Mutashu kuti tinzwe divi ravo, asi vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti vezvitoro vari kumanikidzwa kutora danho iri nekuda kwemawaniro avanenge vaita mari yekunze yavanenge vashandisa mukuhodha zvitengeswa izvi, uye vanogadzira zvinhu vave kutengesawo nemari yekunze.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti ndiro dambudziko ravakagara vachitaura kuti richakonzereswa nekushandiswa kwemari yekunze pamwe neyemunyika, vachiti zvichamanikidza veruzhinji kutenga mari yekunze pamusika mutema kuti vakwanise kutenga zvavanoda muzvitoro.

Hurukuro naVaMasimba Kuchera
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG