Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanoti Hurumende ichabatsira paRufu RwaVaGiles Mutsekwa veMDC-T


Zimbabwe Mnangagwa
Zimbabwe Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vazivisa kuti mutewedzeri wasachigaro we MDC-T, uye vakambove mumwe wemakurukota ezvemukati menyika munguva yehurumende yemubatanidzwa, VaGiles Mutsekwa, avo vakashaya svondo rino, vachavigwa nehurumende.

Mumashoko avo, VaMnangagwa vati VaMutsekwa munhu akabatsira nyika nenzira dzakasiyanasiyana mune zvematongerwo enyika kunyange hazvo vakanga vari nhengo yaipikisa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti kunyange hazvo zvakakosha pachivanhu kuti vanhu vachemane, vanoona sekunge VaMnangagwa vatora danho iri kungoda zvavo kusvotesa bato rinopikisa reCitizen's Coalition for Change.

VaNgwenya vanoti kana hurumende iine chokwadi nezvairi kuita, ngaiise nhengo dzemapato anopikisa dzinenge dzashaya panoradzikwa magamba paHeroes Acre.

Asi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti sebato vanorumbidza chose zvaitwa nemutungamiri wenyika, VaMnangagwa, vachiti zvinoratidza kuti vanotungamirira murudo, uye mumwe nemumwe anopiwa ruremekedzo zvichienderana nebasa raakabatira nyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG