Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anozivisa Kuti Nhengo yeZanu PF yekunzi Yakapambwa neNhengo dzeCCC kuChimanimani Yawanikwa Uye iri Kubatsira Mapurisa


Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi
Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi

Mapurisa eZimbabwe Republic Police azivisa kuti nhengo yebato reZanu PF uye vari sachigaro vevechidiki mudunhu reBumba kuChimanimani, VaNicholas Madzianike, avo vanga vasingazivikanwe kuti varipi vachinzi vakapambwa nenhengo dzebato rinopikisa reCitizen’s Coalition for Change, vawanikwa vari vapenyu.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vati VaMadzianike vari kumbobvunzurudzwa nemapurisa kuti anzwisise kuti chii chakatora nzvimbo mukutskatika kwavo.

VaNyathi vati mapurisa achaburitsa zvizere pamusoro penyaya iyi neSvondo.

Mapurisa akasunga nhengo nhatu dzeCitizen’s Coalition for Change dzinoti VaChengetanai Musudu, VaHakata Musudu pamwe naVaAaron Chizemo, vachifunzi ndivo vakapamba nhengo yeZanu PF iyi kubva pabhawa reChisedze riri panzvimbo yemabhizimusi yeBumba, apo vainwira.

Mutauriri webato reCCC mudunhu reManicaland, VaDavid Panganayi, vati kunyange hazvo VaMadzianike vawanikwa, nhengo dzavo dzichiri mumaoko emapurisa.

VaPanganayi vati vanorwadziwa nekuti mapurisa anosunga munhu kuti aferefete nyaya, kwete kuferefeta nyaya kuti asunge munhu, vachiti vanozviziva kuti kusungwa kwenhengo dzavo kwakanangana nekuda kurwadzisa bato ravo.

Taedza kubata mushandi mukuru muboka rezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi asi vati vanga vasati vanzwa nezvekuwanikwa kwaVamadzianike.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG