Accessibility links

Breaking News

Mhuri yeZimbabwe Yorangarira Nhaka neMabasa Akabatwa neGamba reNyika, Mushakabvu VaJoshua Nkomo


Vaive mutungamiri wehurumende, mushakabvu VaRobert Mugabe nevaive mutungamiri weZapu, mushakabvu VaJoshua Nkomo, mushure mekunyorerana chibvumirano cherunyararo muna 1987.
Vaive mutungamiri wehurumende, mushakabvu VaRobert Mugabe nevaive mutungamiri weZapu, mushakabvu VaJoshua Nkomo, mushure mekunyorerana chibvumirano cherunyararo muna 1987.

Vana veZimbabwe kumativi mana enyika vari kurangarira gamba renyika, mushakabvu VaJoshua Nkomo, avo vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, vachitarisa nhaka yavakasiya pamwe nemabasa avakabata mukuunza runyararo munyika, makore makumi maviri nematatu vashaya, kunyange hazvo paine vamwe vane maonero akasiyana nevamwe.

Nyika yese yaiziva VaNkomo saBaba veZimbabwe kana kuti “Father Zimbabwe”, kududzira chiremerera chaipiwa gamba iri nevatsigiri vavo pamwe nevose vaitevera mabasa avaibata.

Vazhinji vanonti chinhu chavanonyanyorangarirwa nacho kubatanidza nyika mugore ra 1987 pakabatana mapato maviri anotiraitonga reZANU PF ne ZAPU paUnity Accord.

Izvi zvakauya mushure mekushungurudzwa kwaVaNkomo pamwe nevatsigiri vavo uye kupondwa kwevanhu vanodarika zviuru zviviri kuMatabeleland neMidlands nehurumende yevaive mutungamiri wehurumende panguvayo, mushakabvu VaRobert Mugabe.

Mukuru muboka rekufambiswa kwemashoko mubato riri kutonga re ZANU PF, Va Tafadzwa Mugwadi, vanoti VaNkomo vanofanirwa kurangarirwa nekuti vakabata mabasa akakura munyika.

Mutauriri webato re ZAPU, Va Msongelwa Ndhlovu, vanoti shoko guru ravakasiirwa naVaNkomo nderekuti vanhu vese dai vabatana munyika zvisineyi nekuti wabuda mumba maani kana kuti unotaura rurimi rupi.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachirwira kodzero dzevanhu, uye vari mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisai Ruhanya, vanoti zita raVaNkomo haridzimiki mumagwaro enhoroondo yeZimbabwe.

Gweta, vachishanda vari mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaMusa Kika, vanotiwoVaNkomo vaive nemuono mukuru wekukurudzira vechidiki kuti vapinde muzvigaro zvehutungamiri.

Asi havasi vose vari kupembedza mabasa akabatwa naVaNkomo, sezvo kune vamwe vave kuti vakatengesa kuburikidza nekubvuma kupinda muchibvumirano cherunyararo nebato reZanu PF mugore ra 1987.

Vamwe vaive nhengo dzebato reZAPU vakazomutsiridza bato iri mushure mekushaya kwaVaNkomo asi ivo VaNkomo vakashaya vari nhengo ye ZANU PF.

Mwanakomana Va Sibangilizwe Nkomo, ndivo vave kutungamira bato reZAPU, uye vanonzi vane shungu dzekubvisa mapfupa ababa vavo pamarinda anovigwa magamba enyika pa Heroes Acre kuti vanochengetwa patsva kuKezi kumusha kwavo.

VaNkomo vakashaya musi wa 01 Chikunguru 1999 vave nemakore makumi masere nemaviri ekuberekwa mushure mekurwara kwenguva yakareba nechirwere chegomarara.

Nyaya yaVaJoshua Nkomo ina Evans Zininga
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG