Accessibility links

Breaking News

Nhengo Nhatu dzeCCC kuChimanimani Dzinosungwa Dzichipomerwa Mhosva yeKupamba Nhengo yeZanu PF


Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi.
Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi.

Mapurisa kuChimanimani mudunhu reManicaland anonzi akasunga nhengo nhatu dzebato rinopikisa reCitizen’s Coalition for Change, CCC, idzo dziri kupomerwa mhosva yekupamba nhengo yeZanu PF uye vari sachigaro vevechidiki vebato riri kutonga iri mudunhu reBumba, VaNicholas Madzianike.

Vatatu vakasungwa ava vanoti VaChengetanai Musudu, VaHakata Musudu pamwe naVaAaron Chizemo, vanonzi vakasungwa mazuva mashanu adarika uye vanonzi vachiri mumaoko emapurisa uye vachiri kubatsira nekuferefetwa kwenyaya iyi.

Mutauriri webato reCCC mudunhu reManicaland, VaDavid Panganayi, vati ichokwadi kuti vane nhengo dziri mumaoko emapurisa kunyange hazvo vasati vave nehumbowo hungadai huine mapurisa kuti nhengo dzavo ndidzo dzakapara mhosva iyi.

VaPanganayi vati chinozivikanwa ndechekuti vatatu vakasungwa ava vanonwirawo panzvimbo inonzi ndiyo yakatsakatikira nhengo yeZanu PF iyi.

Vati vavari kutaura navo mukubvunzurudza kwavari kuita kuti vanyatsonzwisisa kuti zvingadai zvakafamba sei, vari kuti ivo nhengo yezanu PF iyi inenge yanga yave kurasika pfungwa.

“Nhengo dzedu tine chokwadi chekuti hadzineyi nekushaikwa kwaari kuita,” vanodaro VaPanganayi.

Hurukuro naVaDavid Panganayi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vabvuma kuti mapurisa ane vanhu vakasungwa pamusoro penyaya iyi, uye vati mapurisa ari kuferefeta kuti vaone kana nyaya iyi iine chekuita nezvematongerwo enyika, uyewo kuti vaone kuti VaMadzianike vachiri vapenyu here kana kuti kwete.

“Isusu tiri kuferefeta nyaya iyoyo. Pari zvino hatisati tave nemashoko akazara kuti titi mhosva yakaparwa nangana kana kuti haina kuparwa nangana. Tichiri kuongorora. Saka pakuongorora kwedu ndipo patichaona kuti ndezvipi zvichabuda,” VaNyathi vanodaro.

Hurukuro naAssistant Commissioner Paul Nyathi
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mushandi mukuru muboka rezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati bato ravo reZanu PF riri kushushikana kwazvo nekupambwa kwaVaMadzianike nevanofungidzirwa kuti inhengo dzebato reCCC.

“Ndinoda kuzivisa ruzhinji rweZimbabwe kuti musangano weZanu PF kubva kune mutungamiri wedu VaEmmerson Mnangagwa, vari kushushikana kwazvo nekuda kwekupambwa kwakaitwa nhengo yedu, vanova chairman we Ward 6 Chayamiti kuChimanimani, Comrade Nicholas Madziyanike,” VaMugwadi vadaro.

Vati zvichitevera zvaburitswa nemapurisa kuti pane vanhu vatatu vari mumaoko avo nechekuita nenyaya iyi, semusangano weZanu PF vari kukurudzira ruzhinji rweZimbabwe, kunyanyanyanya, vechidiki vebato ravo, avo vavati vane hukasha nenyaya iyi, kuti varambe vachitevera gwara rinoparurwa nemutungamiri wenyika, VaMnangagwa, rerunyararo.

VaMadzianike vanonzi vakatsakatika musi wa 19 Chikumi uye vakapedzisira kuonekwa pabhawa reChisedze riri panzvimbo yemabhizimusi yeBumba, apo vainwira.

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG