Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu Chikunguru 01, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Nhengo nhatu dzebato reCitizen’s Coalition for Change, CCC, dzinosungwa nemapurisa kuChimanimani, mudunhu reManicaland, dzichipomerwa mhosva yekupamba nhengo yeZanu PF uye vari sachigaro vedunhu reBumba, VaNicholas Madzianike.

Vana veZimbabwe kumativi mana enyika vorangarira gamba renyika, mushakabvu VaJoshua Nkomo, vachitarisa nhaka yavakasiya pamwe nemabasa avakabata mukuunza runyararo munyika, kunyange hazvo paine vamwe vane maonero akasiyana nevamwe.

Kudzikira kwedenda reCovid-19 pasi rose kwopa chivimbo chekumutsiridzwa kweboka rekushanyirwa kwenyika, kunyange hazvo hondo iri pakati pe Ukraine neRussia iri kukanganisawo kumuka kweboka iri.

Vamwe varimi vokundikana kutengesa zvirimwa zvavo kuGrain Marketing Board-GMB, nekuda kwekudhura kwavanoti kuri kuita dzimotokari dzekutakurisa zvirimwa izvi.

Mhuri yemutambo werugby ine chivimbo chekuti Zimbabwe inokunda mumutambo wanhasi manheru apo iri kusangana neIvory Coast mukota fainari ye2022 Africa Cup, uyo uri kushandiswa zvekare senzira yekuenda kuWorld Cup ya2023.

Muchirongwa cheLiveTalk, nhasi tiri kutarisa nezvenhaka nemabasa zvakasiiwa negamba renyika, mushakabvu Joshua Nkomo, makore makumi maviri nematatu vatisiya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG