Accessibility links

Breaking News

VaMasaraure Votaura nezveHupenyu muChikurubi


VaObert Masaraure
VaObert Masaraure

Mutungamiri wesangano revadzidzisi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ VaObert Masaraure vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mujeri reChikurubi mavange vari.

Vachitaura neStudio 7, VaMasaraure vati mujeri hamusi nyore kugara munguva ino yechando uye chikafu chishoma. Vanotiwo vaigara nevamwe vakatongerwa kugara mujeri kwehupenyu hwose kunyangwe izvi zvisiri pamutemo sezvo vasati vatongwa.

VaMasaraure vari kupomerwa mhosva yekuponda VaRoy Issa vaive nhengo yesangano ravo muna 2016.

Vari kuramba mhosva iyi uye dare rakamboti VaIssa vakadonha kubva mukamuri yechinomwe paJameson Hotel muHarare vachibva vafa.

Asi mapurisa akati ave nehumwe humbowo. VaMasaraure vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nemusi weChitatu nedare repamusoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG