Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kudzidzisa Vanhu nezveMonkeypox


chigunwe chine monkeypox
chigunwe chine monkeypox

Vaimbova gurukota rezvehutano Doctor Henry Madzorera vanoti hurumende inofanirakutanga kudzidzisa vanhu nezvechirwere chemonkeypox vachti hachifanire kupa vanhu kuti vavhunduke zvakanyanya.

Dr Madzorera vanoti munhu kana abatwa nechirwere ichi anotanga aita nyazviri ozoita mapundu muviri wose. Vanoti kuti chirwere chisapararire vanorwara vanofanira kugara mumba kusvika vapora.

Sangano reWorld Heralth Organization kana kuti WHO rinoti vanhu vanodarika zviuru zvina nemazana manomwe 4, 700 vabatwa nechirwere ichi pasi rose munyika makumi mashanu kusanganisira South Africa.

America inoti yave kuda kutotanga kubaya vanhu nhomba yechirwere ichi.

WHO inoti munhu mumwe chete afa nechirwere ichi kubva zvachatangakupararira. Vanhu vekunyika dzekumawirira ndivo vari kubatwa nechirwere ichi zvakanyanya.

WHO iri kukurudzira nyika dzose kuti dzigare dzakagadzirira uye vanhu vanogona kutanga kuita nyaviri vozoita mapundu muviri wose.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakaudza vatori venhau nemusi weChipiri kuti hurumende yakagadzirira zvakasimba kuongorora nekuvheneka vanhu chirwere ichi kuti chisapararire munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG