Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti VaMnangagwa neMakurukota Avo Vari Muchadzimira paNyaya yeHupfumi


Murtungamiri wenyika VaEmmerso Mnangagwa naVaNelson Chamisa
Murtungamiri wenyika VaEmmerso Mnangagwa naVaNelson Chamisa

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vanoti zviri kuitwa nehurumende kuyedza kugadzirisa hupfumi hazvisi kushanda. Vati izvi zviri kuonekwa nekushaya simba kuri kuramba kuchiita dhora remunyika.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weChipiri vakadzika mutemo wechimbi chimbi kana kuti Statutory Instrument unoshanda kwemwedzi mitanhatu kuyedza kudzikamisa hupfumi hwenyika nekupa vanhu chivimbo chekuti hapana chichachinja pakushandiswa kwemari yemunyika neyemuAmerica kusvika muna 2025.

Hurumende iri kuti ichasungawo vemabhizimisi vanodhurisa zvinhu. Asi bato reCCC rinoti zviri kuitwa izvi zvichatopa kuti zvinhu zvishaike muzvitoro.

Asi VaChamisa vanoti hurumende inofanira kuzvipira kurwisa huori uye kugadzirisa zvinhu kuReserve Bank of Zimbabwe kunonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi kuri kudhindwa mari dzakawanda dzinozopa kuti hupfumi husagadzikane.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG