Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vobatsirwa neFrance Asi Vachiti Iri Kudzora Zvayakabira VaRozvi


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa 

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatambira rubatsiro kubva kuFrance rwekusimudzira nzvimbo yeGreat Zimbabwe asi vachiti nyika iyo iri kudzora goridhe nezvimwe zvakabiwa munyika nemadzitateguru ayo.

Vachiparura hurongwa uhu, VaMnangagwa vati vanhu havafani kunyanya kutenda
vachena vari kuunza zvirongwa zvebudiriro nekuti vaiba hupfumi
hwenyika segoridhe reVaRozvi kare kare.
Vati vachena vekumuzinda weFrance munyika nhasi vadzosa mari
yegoridhe ravakaba paGreat Zimbabwe Shrine nechirongwa chemari
inosvika mamirioni matatu emaEuros , 3 million Euros.

Vachitsigirawo izvi mutevedzereri wemutungamiriri wenyika VaConstantino Chiwenga
vati vachena vakaba zvakawandisa munyika dzevatema nekudaro vanofanira
kudzosa mari idzi.

Vachitaura pachirongwa ichi, Amabasador veFrance muZimbabwe, VaLaurent Chevallier vati vakaisa mari inosvika mamirioni matatu emauro. pachirongwa ichi chichavandudza bazi rezvekushanyirwa
munyika.


Vati rimwe donzvo rechirongwa ichi ndere kuchengetedza dzidzo
muzvikoro kuti vana vakure vachiziva nhorondo yenyika yavo pamwechete
netsika nemagariro.
Vatiwo chirongwa ichi chichawanisawo vanhu vakawanda mabasa.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, gurukota rebazi nezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, vati bazi ravo rinotenda kushanda kwariri
kuita nemuzinda weFrance mukuunza budiriro mubazi rekushanyirana
munyika.


Vatiwo kunze kwekuvanduza bazi rezvekushanyirana munyika, chirongwa
ichi chichavandudza hupenyu hwevanhu vanogara munzvimbo dzakapoteredza
Great Zimbabwe Ruins.

VaMnangagwa vati zvirongwa zvekudyidzana nedzimwe nyika zvinoratidza kuti hurongwa hwavo hwekuumba hukama nenyika dzekunze huri kushanda.


Mutungamiri wenyika nemamwe makurukota avo vakatemerwa zvirango nenyika dzakabudirira vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo. Asi vanoti vakatemerwa zvirango nenyaya yekupa vatema ivhu.


Great Zimbabwe Ruins ndeimwe nzvimbo inoshanyirwa zvakanyanya nevekunzw uye yakaiswa pasi pechirongwa cheWorld Heritage Sites nebazi reUnicef muna 1986.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG