Accessibility links

Breaking News

Ishe Fortune Charumbira Vopinda Munhoroondo yeDare rePan African Parliament


Ishe Fortune Charumbira
Ishe Fortune Charumbira

Ishe Fortune Charumbira vakakunda musarudzo dzemutungamiri wedare rePan-African Parliament musarudzo dzaaitwa nemusi weChitatu muSouth Africa.

Vakavhoterwa nenhengo zana nemakumi matanhatu neimwe,(161) makumi matatu nemumwe (31)havana kuvhota uye mamwe mavhoti gumi nerimwe (11) ainge asingaverengeke nezvainge zvakanganiswa.

VaCharumbira vakawana rutsigiro rwenyika dzekuchamhembe kweAfrica hazvo nhengo yedare reparamende kubva kuMalawi VaYeremiah Chihana vainge vachida aikwikwidzana naVaCharumbira vakabuda musarudzo vachigunun’una nekushaya rutsigiro kubva kudzimwe nhyika dzemuSADC.

Ishe Charumbira ndivo nhengo yedare reparamende yekutaga kubva mudunhu reSADC kuvanechigaro chakadai.

Asi vamwe vanopikisa nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vanovashora nekubuda pachena vachitsigira baro reZanu-PF zvakapa kuti vaendeswe kumatare vachipomerwa mhosva yekutyora bumbiro remitemo risingabvumidze madzishe kutora divi munyaya dzezvematongerwo enyika.

VaCharumbira vakaudza nhepfenyuro yeSABC kuti vachaunza kubatana mudare iri kuti risinganyatsoshande sezvo riine kunetsana kwakanyanya. Ishe Charumbira ndivo mutungamiri wekanzuru yemadzishe munyika.

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG