Accessibility links

Breaking News

Kambani yeZvizvarwa zvekuChina yeAfrochine yekuChegutu Yopomerwa Mhosva yeKutyora Kodzero dzeVashandi Zvakanyanya


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weChina Xi Jinping
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weChina Xi Jinping

Kambani yezvimwe zvizvarwa zvekuChina iri muZimbabwe yeAfrochine Smelting (Pvt) Ltd inonzi nesangano guru revashandi reInternational Trade Union Confederation rinomirira vashandi vanodarika mamiriyoni mazana maviri kana kuti 200 million munyika zana nemakumi matanhatu nematatu-163 iri pakati pemakambani anotyora kodzero dzevanhu munyika.

Mugwaro rayo rinoona nezvekodzero dzevanhu regore rino reGlobal Rights Index 2022, ITUC inoti Afrochine yakatyora kodzero dzakawanda dzevashandi dzinosanganisira kurova nekutadza kuvabhadhara.

Kambani iyi ine vashandi vanodarika chiuru inoita zvekuchera koromo kana kuti chrome nekuigaya kuChegutu. Mutevedzeri wemunyori mukuru musangano reZimbabwe Metal, Energy and Allied Workers Union, VaStephen Dhliwayo vati zvaitwa neITUC zvinoenderana nezviri kuitika pakambani iyi.

Kambani iyi iri kupomerwa mhosva dzekusatevedzera mitemo yevashandi nekusavadzosa pamabasa kana papihwa mitongo nematare kuti vadzoswe. Vashandi vanonzi vanorambidzwawo kuumba masangano anovamirira uye dzimwe nguva vachirohwa nevakuru vekambani iyi vanova zvizvarwa zvekuChina.

VaDhliwayo vati zvaitwa neITUC zvaakakosha chose vachiti vanovimba kuti zvichaita kuti kambani iyi ione vashandi vayo sevanhu uyewo kuti itevedze mitemo yevashandi yemuno.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti kunyange hazvo ITUC yadoma Afrochine saiyo inotyora kodzero dzevashandi zvakanyanya, ivo sesangano vanoona sekuti vashandi kubva kubva kumakambani ese ezvizvarwa zvekuChina ari munyika vane zvichema zvakafanana.

Muzinda weChina unogara uchiokandirana makobvu nematete neZCTU uchiramba kuti makambani ezvizvarwa zvawo anotyora mitemo yevashandi muZimbabwe.

Mutauriri weAfrochine, VaPardon Kufakunesu vaudza Studio 7 kuti manyepo kuti havabhadhare vashandi vachiti vanotobhadhara iri pamusoro peyakatarwa neNational Employment Council.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kugurukota rinoona neezvevashandi muzvinafundo Paul Mavima sezvo vange vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Asi VaMavima vakamboudza Studio 7 kuti hurumende inotarsira kuti makambani ose anouya kuzoshanda muZimbabwe atevedze mutemo zvisinei kuti anobva kupi.

Sangano rinomirira mabhizimisi emuChina ari muZimbabwe reChamber of Chinese Enterprises in Zimbabwe rinoti vemasangano akazvimirira oga ndivo vari kuda kukonzera kusawirirana pakati peChina neZimbabwe nekureva nhema. Asi rinoti kunyangwe dzimwe nhengo dzaro dziri kunzi dzinotyora mitemo, dzimwe nguva mitemo yacho ine maburi zvekuti vamwe vanopedzisira voashandisa.

Kunze kwemakambani akaita seezvicherwa, makambani ezvizvarwa zvekuChina ari kuitawo mabasa akawanda munyika anosanganisira kuvaka paramende itsva kuMt Hampden, kuvandudza nhandare yendege yeGabriel Mugabe International Airport pamwe negwenya remagetsi remarasha kuHwange neremvura kuKariba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG