Accessibility links

Breaking News

Imwe Nyanzvi Yoyambira Kuti Zvinhu Zvichashaikwa Muzvitoro neMitemo Yodzikwa naVaMnangagwa


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vashandisa masimba avo echimbi chimbi kuparura mutemo unoshanda kwemwedzi mitanhatu kana kuti Statutory Instrument 118 A kuti vasimbaradze zvakaturwa negurukota rezvemari uye gavhuna weRBZ kuyedza kudzikamisa hupfumi hwenyika.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaVictor Bhoroma vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa nehurumende zvichapa kuti zvinhu zvitange zvakare kushaikwa muzvitoro.

VaBhoroma vati zviri pachena kuti hurumende iri kuda kutara mitengo yezvinhu zvichapa kuti vemabhizimisi vabvise zvinhu muzvitoro kana kutovhara sezvo kuita bhizimisi kunenge konetsa.

Mutemo uyu kana kuti Presidential Powers (Temporary Measures) Ammendment of Exchange Control Act) Regulations uri kutarisawo nyaya yemitengo yezvinhu.

Mutemo uyu unoti mari yemunyika neyekuAmerica dzicharamba dzichishandiswa kwemakore mashanu anotevera, mabhanga anonzi anorangwa akatyora mutemo panyaya dzezvemari uye vanokwereta nemadhora ekunze vanobhadhara nemadhora ekunzde acho.

Vanhu vanotengesa zvinhu nemari inodarika zvikamu gumi kubva muzana pachikero chemari inotengeswa kumabhanga vanonzi vacharangwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG