Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kupondwa muNyika Hworamba Huchiwedzerwa


VaPaul Nyathi Votaura Nezve Chirongwa Chavarikuita NeKanzuru yeHarare

Vanhu vakawanda munyika vari kushushikana zvikuru nenyaya dzekupondwa kwevanhu mushure mekubirwa nevanhu vanenge vaine pfuti dzimwe nguva. Mumatunhu akaita seMasvingo nyaya idzi dziri kuramba dzichiwanda zuva nezuva.

Mapurisa padandemutande ravo reTwitter anoti mumazuva masere adarika pane vanhu vashanu vapondwa kuZengeza 3, Figtree, kwaMurehwa, kuChikombedzi nekuInyathi. Panguva iyi vanhu vakawanda vakakuvadzwa nekubirwa nevanhu vainge vakapakatita zvombo.

Vamwe vagari kunyanya vana muzvinabhizimusi umasvingo vanoti vave kugara vakabatira hana mumaoko sezvo mbavha dzawandisa. Mumwe mugari wekwa Mukore kuBikita, VaOscar Makova vanoti mbavha dzine mpfuti dzatekeshera nekudaro vanotyira hupenyu hwavo.

Bepa nhau reMasvingo Mirror rakabudisa nyaya yekuti musi weSvondo mbavha dzaive dzakapakatira pfuti dzakapfura nekuuraya mutyairi wemuchovha , VaDarlington Madzokere paNyika Growth Point kuBikita. Mbavha idzi dzaibira mari vashandi vepachiteshi chinotengesa mafuta emotokari cheGlow-Mapamba.

Svondo rapera mbavha dzaiva nepfuti diki kana kuti pistol nema AK 47 dzinonzi dzakabira zvitoro zvinopfuura zvina muzuva rimwe chete paChivi Growth point.

Mumwe mugari wemuMasvingo VaVaJohanes Chihwani vanogara vanoti nyaya idzi dziri kuwanda nekuti mapurisa haasi kuferefeta nemazvo.


Asi vamwewo vakaita savaEdwin Mugova vanoti nyaya dzembavha nemhondi dzatekeshera dziri kukonzerwa nekuoma kuri kuita hupenyu munyika.

Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inspector Kudakwashe Dehwa vati vari kuzama kuferefeta nekubata mbavha idzi uye vakurudzira veruzhinji kuti vasachengetere mari dzavo mudzimba nepavanoshandira.

Svondo rapera mutongi wedare reMajistireti muMasvingo, VaBenard Chineka vakabata vamwe mauto pamwe nemapurisa nemhosva yekuba pamugodhi wegoridhe kuMashava vakapakatira pfuti.
VaChineka vakambomisa kutura kwemutongo wavo vachiti vachazoita munguva pfupi inotevera.

Mune imwe nyaya iri kumatare, mutongi wedare repamusoro muMasvingo Justice Garainesu Mawadze vakatongera mbavha ina dzaiba nepfuti kugara mujeri kwehupenyu hwese mushure mekubatwa nemhosva yekuponda nekubira Amai Rutendo Ndega vemumusha weTarget Kopje muMasving. Amai Ndega vakakandwa pamwe nemurume wavo mumugodhi wegoridhe usisashande.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnagwa masvondo apera pakuradzikwa kwaMajor General Godfrey Chanakira kumarinda eHeroes Acre vakati vari kushushikana zvikuru nenyaya dzekupondwa kwevanhu idzi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG