Accessibility links

Breaking News

Dhora reMunyika Roramba Richishaya Simba Panguva Iyo Inflation Iri Kuitawo Chamurambamhuru Kukwira


Dhora remunyika riri kuramba richisya simba zvopawo kuti mitengo yezvinhu irambe ichikwira.
Dhora remunyika riri kuramba richisya simba zvopawo kuti mitengo yezvinhu irambe ichikwira.

Dhora remunyika riri kuramba richishaya simba zvopa kuti mitengo yezvinhu irambe ichiwedzerwa zvakanyanya.

Pazuva ranhasi Chipiri dhora rekuAmerica range richitengwa nemadhora mazana matatu nemakumi matanhatu nematanhatu kana kuti US$1 : ZWD$366.

Svondo rapera dhora rekuAmerica raitengwa nemadhora mazana matatu nemakumi mashanu nemaviri kana kuti US$1 : ZWD$352.

Kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation, kwakawedzera zvakanyanya mumwedzi waChikumi, panguva iyo hurumende iri kumhanyamhanya kutura matanho akasiyanasiyana ainoti akanangana nekudzikamisa hupfumi hwenyika, uho huri kunzi nedzimwe nyanzvi mune zvehupfumi hwananga kumawere.

Inflation yepagore mumwedzi waChikumi yakakwira nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuenda pazvikamu zana nemakumi mapfumbamwe nechimwe nezviga zvitanhatu kubva muzana, kana kuti 191.6 percent, kubva pazvikamu zana nemakumi matatu nechimwe nezviga zvinomwe kubva muzana kana kuti 131.7 percent mumwedzi waChivabvu.

Ukuwo, inflation yepamwedzi yakakwirawo kusvika pazvikamu makumi matatu nezviga zvinomwe kubva muzana kana kuti 30.7 percent muna Chikumi kubva pazvikamu makumi maviri nechimwe kubva muzana kana kuti 21 percent muna Chivabvu.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi, Muzvinafundo Steve Hanke vepa Johns Hopkins University iri muAmerica, vanoti pari zvino Zimbabwe ndiyo ine inflation yakakwirisisa pasi rose, iyo vanoti iri pazvikamu mazana matatu nemakumi manomwe nezvinomwe kubva muzana, kana kuti 377 percent, ichiteverwa neSri Lanka, yavakaisa pazvikamu zana nemakumi maviri nezvisere, kana kuti 128 percent.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vanotsanangura nzira dzinoshandiswa kutsvaga kukwira kwe inflation kwakadai, vachiti panotariswa kukwira kwemitengo yezvinhu zvinoshandiswa zuva nezuva neveruzhinji.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi, VaLuxon Zembe, vanotiwo vana veZimbabwe vatambura zvakanyanya nekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu zuva nezuva, zvichiwedzerwawo nekukwavanoti kuparara kwedhora remunyika kuburikidza nemitemo iri munyika.

Panyaya yekuti nyika ishandise mari yemunyika neyekunze nguva imwechete, VaZembe vanoti vanotambira danho iri sezvo rakanakira vezvitoro, vachitiwo izvi zvinoita kuti vanhu vave nechivimbo nemabhanga avo.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera vanoti hurumende haifanirwe kuita zano ndega pakuedza kudzikamisa kukwira kwemitengo yezvinhu, vachiti panotoda kuti pange pachiitwa katombo kanyayi nemamwe mapoka ose ane chekuita neraramo yevanhu poitwa chirwirangwe kurwisa inflation.

Kunze kwekunge hurumende yazonzwawo pfungwa dzinobva kune vamwe yaita mukomberwana kurwisa kukwira kwemitengo yezvinhu uku, veruzhinji vacharamba vachinonga svosve nemuromo nekuti dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti panogona kuzove nedambudziko zvakare vamwe vezvitoro vave kuramba kutambira dhora remunyika.

Ukuwo, vashandi vanoti kunze kwekunge nyaya yemihoro yagadziriswawo vave kutambiriswa mihoro yavo iri mumadhora ekuAmerica, dambudziko iri richaramba riripo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG