Accessibility links

Breaking News

Doctor Magaisa Voradzikwa kuBuhera Vachirumbidzwa neMabasa Avo


Gweta raive nemukurumbira Doctor Alex Magaisa vakashaya kuBritain varadzikwa nhasi kumusha kwavo kuNjanja uko kwaungana vanhu vakawanda nehama dzavo vachionekana navo. Doctor Magaisa vakashaya mushure mekurwara nechirwere chemoyo. Vaigara vachitaura zvakanyanya pazvirongwa zveStudio 7.

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vange vari pakuradzikwa kwaVaMagaisa nehutungamiri hwebato ravo hwose. Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato ir VaCharlton Hwende vaenda kuNjanja kunobatana nemhuri yaVaMagaisa pakuradzikwa kwavo vatiwo vaudza Studio 7 kuti mushakabvu aisatya kutaura nyaya dzehuori munyika.

Sekutaura kwakaita akamira sababa vemhuri yekwaMagaisa, VaRobert Magaisa nemusi weMugovera muHarare, mushakabvu anzi nevakawanda ainge akazvininipisa.

Mumwe anowirirana nemashako aya ndiMuzvare Stabile Dewa vanotungamira sangano reWomen’s Academy for Leadership and Political Excellency avo vaendawo kumusha kwaVaMagaisa kwavaradzikwa. Muzvare Dewa vati mufi aisatarisira vanhu pasi uye airemekedza kodzero dzemadzimai.

VaMagaisa vakabatanawo nevamwe mukunyora bumbiro remutemo ra2013 uye mumwe wavakashanda naye ndiVaMunyaradzi Paul Mangwana vaitungamira chikwata cheZanu-PF pahurongwa uhu. VaMangwana vaudza Studio 7 kuti mushakabvu aive nehudzamu pamafungiro ake.

Imwe shamwari yaVaMagaisa iri kuBritain VaSanderson Makomba vati nyika yarasikirwa negamba uye aive munhu aidzidzisa vanhu kukosha kwemutemo.

Doctor Magaisa vakaberekwa musi wa 9 Nyamavhuvhu 1975 uye vasiya mudzimai Shamiso nevana vaviri. Mudzimai wavo Amai Shamiso Magaisa vanoti vanotenda zvikuru mhuri yeZimbabwe mukuchema navo.

Mushakabvu akamboshanda sechipangamazano chemutungamiri wehurumende mushakabvu Morgan Tsvangirai munguva yehurumende yemubatanidzwa.

Pakufa kwavo, vange vachidzidzisa mutemo paUniversity of Kent kuBritain. Doctor Magaisa vaizivikanwa nevakawanda kuburikidza nekunyora gwaro ravo raibuda mumadandemutande nemapepanhu rinonzi The Big Saturday Read.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG