Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoti Kufa kwaVaGiles Mutsekwa Kwasiya Vende Rakakura


Vaimbova gurukota rezvemukati menyika uye vakazoita rezvedzimba munguva yehurumende yemubatanidzwa, VaGiles Mutsekwa vebato rinopikisa reMDC-T rinotungamirwa naVaDouglas Mwonzora vashaya.

VaMutsekwa vange vari mutevedzeri wasachigaro webato iri. Vaigarawo vachitaura panhepfenyuro yeStudio 7.

VaMutsekwa vainge vri muchiuto vakasiya vave major. Mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC-T VaElias Mudzuri vati VaMutseyekwa vasiya gwanza rakakura mubato ravo.

Mutauriri webato reMDC T VaWitness Dube vanoti VaMutsekwa vange vave nemwedzi mitatu vachirwara vasingaende kubasa. Asi vanoti yange iri shuviro nemunamato wavo kuti vadzoke kubasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG