Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti VaNcube Havana Chavavandudza Pane Zvavatura Pakugadzirisa Hupfumi


VaJohn Mangudya naVaMthuli Ncube

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube nagavhuna weRBZ VaJohn Mandudya nhasi vatura matanho avanoti akanangana nekudzikamisa hupfumi hwenyika uho huri kunzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi hwananga kumawere.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, Muzvinafundo Ncube vati nyika ichaenderera mberi nekushandisa dhora rayo pamwe nerekuAmerica uye vakatiwo vachabvisa mari yemutero pamafuta ekufambisa dzimotokari.

VaNcube vati hurumende yave kuzviisa mumutemo kuti dhora remunyika nerekuAmerica acharamba achishandiswa kwemakore mashanu anotevera.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaVictor Bhoroma vanoti VaNcube havana zvitsva zvavaparura kunze kwekusimbardza kuti nyika icharamba ichishandisa dhora rayo nere kuAmerica.

Panyaya yekubvisa mutero pamafuta ekufambisa dzimotokari, VaBhoroma vati izvi zvaifanira kunge zvakaitwa kare nekuti sezxvo achidhura kudarika munyika zhinji.

Hurumende inotiwo haisi kuzodzika mitengo yezvinhu. Asi VaBhoroma vanoti iri kuhwanda nemunwe sezvo iri kutendera vemabhizimisi kubhadharisa nemutengo wedhora rekuAmerica kumabhanga.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Developmenent Research Institute of Zimbabwe Doctor Prosper Chitambara vatiwo havana kuona zvizhinji zvavandudzwa naVaNcube vachiti kana zviripo zvichatora nguva.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaCallisto Jokonya vaudza Studio 7 kuti kuwedzera muripo pakukwereta mari kunogona kuomesera vemabhizimisi zvakanyanya zvinopa kuti vamwe vavhare makambani avo.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vanoti kushandisa mari yekuAmerica munongedzo wekuti hurumende iri kutenda kuti vanhu Havana chivimbo nedhora remunyika. Asi vayambira kuti mitengo haisi kuzodzika.

VaNcube vaturawo mamwe matanho avati akanangana nekurerutsira vashandi vehurumende.

Asi vamwe vashandi vakatanga kuramwa mabasa svondo rapera vanotiwo hapana chinobatika chataurwa naVaNcube. Mutungamiri werimwe sangano rinomiririra vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe - PTUZ- VaTakavafira Zhou, vanoti zvataurwa naVaNcube hazvibatsire mushandi zvakanyanya.

VaZhou vakurudzira kushandiswa kwemari yekuAmerica chete kusvika hupfumi hwenyika hwagadzikana.

Munyori mukuru wesangano rinomiririra vashandi vehurumende munyika reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, iro raimbonzi Apex Council, VaDavid Dzatsunga, vanoti kana mari dziri mbiri idzi dzikashandiswa pamutemo vashandi vehurumende vanofanirwa kutambiriswa mari mbiri dzose.

Izvi zvatsigirwa nenyanzvi yezvemari VaHope Chinyasa vanoshanda neGaleed Consultancy and Accounting Services vanoti mutemo wekushandisa mari dzakawanda unodzvanyirira vashandi vehurumende.

Hurumende iri kuita chipatapata chekuyedza kugadzirisa hupfumi mushure mekunge dhora remunyika raramba richishaya simba zvakapawo kuti mitengo yezvinhu kana kuti inflation ikwire zvakanyanya zvekuda kuzvika pamazana maviri kubva muzana kana kuti 200%.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG