Accessibility links

Breaking News

Doctor Magaisa Vorangarirwa seMunhu Aiva neNjere Dzakapinza


Doctor Alex Magaisa
Doctor Alex Magaisa

Vanhu vakawanda vaungana muHarare nhasi vachirangarira hupenyu hwaDoctor Alex Magaisa vakavatsanangura sedenhe reruzivo. Vakashayikira kuBritain musi wa5 Chikumi.

Hama neshamwari dzaVaMagaisa dzaungana muHarare nhasi dzichirangarira hupenyu hwavi zvichitevera kusvika kwakaita mutumbi wavo munyika nezuro.

Ataura akamira sababa vemhuri yekwaMagaisa, VaRobert Magaisa, vati mhuri yavo yakarasikirwa nemunhu aiva nerudo uye aida budiriro yenyika yake.

Shamwari yaVaMagaisa, VaOnias Topodzi Kwenda, vati mufi aida zvedzidzo zvakanyanya zvekuti akavabatsira kuti vadzokere kuchikoro mushure mekunge vasiira chikoro panzira nekuda kwekushaya mari.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa vatiwo kunyange zvinhu zvakawanda zvisina kumira zvakanaka munyika, dzidzo yemunyika yakaitawo kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvakaita saVaMagaisa zvisimudze mureza wenyika kune dzimwe nyika.

VaChamisa vatiwo vari kutarisira kukunda musarudzo dzegore rinouya vachishandisa ruzivo rwavanga vachipihwa naVaMagaisa. Vatiwo kubva zvino zvichienda mberi vave kuzenge vachienda kuzviitiko zvenyika kana kuti manational events vachiti havacharamwire munda kumakudo.

Vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wehurumende yemubatanidzwa, Muzvinafundo Arthur Mutambara, avo vakashanda Doctor Magaisa vari chipangamazano chaVaMorgan Tsvangirai vati mufi aive munhu akanga achinyora zvinhu zvinoita kuti nyika isimukire uye akanga aishanda zvikuru kusimudzira vamwe kuti vave vatungamiri vakatswasuka uye vanomirira zvido zveveruzhinji.

Vamwe vange vari parufu apa vanosanganisira Muzvinafundo Lovemore Madhuku vanotungamira bato reNCA vati mufi akabata basa guru mukudzidzisa vanhu nezvemutemo.

Mutungamiri webato rinopikisa reMavambo Kusile Dawn, Doctor Simba Makoni vaimbova gurukota rezvemari vati Magaisa vaitumutora semudzidzisi wavo.

Vamwe vange vari parunfu apa vanosanganisira nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Doctor Ibbo Mandaza uye magweta nevamwe.

VaLuke Tamborinyoka avo vaiva mutauriri waVaTsvangirai vati VaMagaisa vaiva munhu aiziva basa ravo uye vaipa miwono yavo vasingatungamidze zvido zvavo mberi.

Doctor Magaisa vakaberekwa musi wa 9 Nyamavhuvhu 1975 uye vasiya mudzimai Shamiso nevana vaviri. VaMagaisa vanotarisirwa kuradzikwa neChipiri kumusha kwavo munharaunda yeChikomba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG