Accessibility links

Breaking News

Vanachiremba neVakoti Vanga Vachiramwa Mabasa Vombodzokera kuMabasa Senzira yeKubatsira Veruzhinji Nhaurirano dzeMihoro Dzichiitwa


Vanamukoti vachiratidzira muHarare.

Vanachiremba, vakoti pamwe nevamwe vashandi muboka rezvehutano vanoshanda muzvipatara zvehurumende vanga vari pakuramwa mabasa kwesvondo rose vachida kuti mihoro yavo iwedzerwe, vazivisa kuti vave kumbodzokera kumabasa vachimbopa mukana kunhaurirano dzemihoro.

Vari kutungamira vashandi vari pasi peHealth Apex Panel, Doctor Tapiwanashe Kusotera, vanoti vakanyorera sachigaro veHealth Service Board, Doctor Paulinus Sikhosana tsamba neChishanu vachivazivisa nezvedanho ravo iri.

Doctor Kusotera vanoti chikuru chaita kuti vambotara danho iri kuona kutambura kwanga kwoita veruzhinji nekuda kwekushaikwa kwezvipatara zvehurumende, uye kumisa kufa kwevanhu nekuda kweshaya rubatsiro muzvipatara.

Vanoti hutungamiri hwevashandi hwakasangana neChishanu hwakasunga kuti vakurudzire nhengo dzavo kuti dzimbodzokera kumabasa kwemasvondo maviri.

Doctor Kusotera vanoti kana pasina chabuda musvondo mbiri idzi panhaurirano nemushandirwi, vashandi vachadzokera zvakare pakuramwa mabasa.

Hatina kukwanisa kubata Doctor Sikhosana kuti tinzwe divi rehurumende.

Hurukuro naDr. Tapiwanashe Kusotera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG